Rodza pfungwa nemadimikira

Ticha Danga
BVUNZO rakanyorwa zvichidudza kupedza dzidzo yepasi, vana vochimirira goho ravo. Kupera kwebvunzo idzodzi hazvirevi kupera kwedzidzo.

Vana vanotofanirwa kuramba vachidzidza nekuverenga kuti pfungwa dzavo dzisaita ngura. Dzinoda kuramba dzichitokonywa tokonywa kuti dzirambe dzakarodza. Badza risingarodzwi rinogumisira ragomara risisakwanisi kusakura.

Zvino tinoda kuti tirodze idzo pfungwa dzedu nekutarisa mamwe emadimikira atingashandisa kana tave kuzvikoro zvekumusoro.

Kana tichiti munhu uyu anozvisusukidza senyama yemusoro tinoreva kuti ndiye munhu anozvionera pamusoro kunyange paasingakodzere.

Kuvhura rusaka zvinoreva kutaura kusina magumo kunoitwa nevamwe vanhu. Havagone kunyarara chero zviite sei. Ndivo vanonzi imhodzi chaiyo pakutaura. Vamwewo vanhu vane mwoyo yakaoma zvekuti ukavatadzira muupenyu hauwani ruregerero kubva kwaari. Kana vanotaura voita madimikira vanoti akavangaradza mwoyo.

Munzvimbo dzatinogara kune vamwe vanhu vanovimba nen’anga. Vanoti kana pachinge pawanda matambudziko mumusha vanoenda kun’anga kunoshopera kuti vagoziva kuti chii chinenge chichikonzeresa jambwa iroro. Kuenda kun’anga kwakadai kunonzi kuvheneka musha. Kana zvonzi munhu ari panhoo kana panhovo zvinoreva kuti arwarisa.

Kuundira munda mvura yanaya ndiko kuita zvekuzofunga chinhu chingakubatsira iyo nguva yawanga uchida kuti uwane rubatsiro yatopfuura kare. Ndizvo zvakafanana nekuti kuyeuka bako wanaiwa.

Munhu ane mukanwa makafira datya munhu uya asina chakanaka chinobuda mukanwa make kana otaura.

Ndiye munhu anetsika yekungogarotaura mashoko akashata, anoshoresa uye anogumbura vamwe vanhu. Vamwe vanomuti ane mukanwa makawora.

Kutsvaga hwendero kuita mashiripiti okuda kudenha munhu akazvigarira kana kushingirira kuda kubvisa munhu panzvimbo yaanga ari.

Kana vanhu vakabika zvokudya pamoto wehuni, zvokudya zvacho zvobva zvaramba kuibva uye zvonhuhwa hutsi zvinonzi chikafu chacho kana zvokudya zvacho zvatsva guni.

Kana zvichinzi munhu akatiza jeri akananga kukamba zvinoreva kuita zvinhu zvaunofunga kuti zvinokunzvengesa kubva mumatambudziko nyambisirwa wava kutozvikanda mune rimwe dambudziko hombe.

Kutenza mwoyo zvinoreva kugutsa.

Zvinowanzotaurwa pari panyaya yekudya. Munhu akapihwa chikafu chinotenza mwoyo anenge apihwa chikafu chinogutsa. Zvakafanana nekuti kugadza mwoyo.

Kune zvimwe zvinhu zvinoti kana zvichinge zvatokanganisika zvinenge zvatotadzika zvekuti chero kuda kuedza kuzvigadzirisa kutotambisa nguva. Kuda kuedza kugadzirisa zvinhu zvakadai ndiko kunonzi kutatamutsa chitowo nembambo.

Kutamba chamutavanhava kutambudzwa zvakaomarara nechimwe chinhu chaunenge wakasangana nacho muupenyu. Kuoneswa chitsvuku chaicho.

Kana watakudzwa kambudzi kane zamu zvoreva kuti wapinzwa munyatwa kana mudambudziko rakaomarara. Kana vanhu vakatukana kwenguva refu nemashoko anodzimba tinoti vakasvitsana kutsime.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×