KUTENGESWA kwezvinhu zvemanyepo kuri kuramba kuchiwedzera uye Shumba Super Dust iri kusangana nedambudziko iri zvakare, sekutaura kwaVaLewis Muhwati vekuEcoMark Ltd.
Nekudaro tinokurudzira vanoshandisa Shumba Super Dust kuti vangwarire kana vachitenga mushonga uyu.
Kutengeswa kwemishonga yemanyepo uku kunoitwa nenhubu dzinenge dzichida kushandisa mbiri inenge yaitwa nemakambani anenge ashanda nesimba kuzvishambadza pamusika. Nhubu idzi dzinoshandisa nzira dzose-dzose kuda kunyengedza vatengi kuti vafunge kuti vari kutenga chinhu chechokwadi.
SeShumba Super Dust yemanyepo, nhubu dzinoshandisa zvinosanganisira pawudha yakachipa kuitira kuti zviite sezvinofanana nemushonga chaiwo.
Pane njodzi huru pakushandisa zvinhu zvemanyepo. Semuenzaniso, zvimwe zvacho zvinogona kunge iri chefu inokonzera kuti pave nematambudziko makuru panyaya dzeutano nekuti zvinenge zvichishandiswa basa risiriro.
Izvi zvinoreva kuti varimi vanorasikirwa nekuda kwekusashanda kwechinhu chemanyepo zvoita zvakare kuti vashaye chivimbo nekambani inenge ichigadzira mushonga uyu uye havadi kuzoushandisa munguva inotevera.
Shumba Super Dust yemanyepo yakaonekwa mune zvimwe zvitoro zvinotengesa zvekurimisa muHarare nekuChitungwiza, vakadaro VaMuhwati.
Zvinotevera ndizvo zvimwe zvezviratidzo zvinoita kuti munhu akwanise kuziva kuti mushonga uyu ndewemanyepo:
1. Chinyorwa chepagaba hachinyatsoratidzika sezvo chisingapenyi sechiri pamushonga wechokwadi.
2. Zvimwe zvinyorwa zvacho zvinenge zvakasviba pamwe nemufananidzo weshumba wacho
3. Mimwe mishonga yacho inenge ichitaridza kuti yakagadzirwa mumwedzi waChikumi 2016 uye ichizopera simba Chikumi 2017 asi pari zvino tichiri mugore ra2015.
Mishonga yechokwadi inoratidza kuti inozopera simba mushure memakore maviri yagadzirwa uye izvi zvinonyatsoratidzwa kuburikidza ne”batch” nhamba iyo inenge yakadhindwa nemushini.
4 Mimwe yemishonga yacho inenge ichiratidza kuti yakagadzirwa neEvomed kwete neEcoMed.
5. Magaba emishonga yemanyepo haana kunamiwa kumivharo yacho asi echokwadi akanamwa ne”silver foil” iyo inoonekwa pakuvhurwa kwegaba.
6. Mamwe magaba emishonga yemanyepo pamivharo yacho pane denderedzwa rakada kuita pfumbu asina logo asi emushonga wechokwadi ane denderedzwa dzvuku rakanyorwa kuti EcoMark kana kuti EcoMed.
7. Avo vakamboshandisa Shumba Super Dust nguva yadarika havakwanise kutadza kuziva kamunhuwi kayo. Mimwe mishonga yemanyepo iyi ine kamunhuwi kasinganzwisisike kana kutoshaya kamunhuwi kacho zvachose.
Izvi ndizvo zvimwe zvinokwanisa kutariswa nevarimi kuitira kuti vazive kuti vari kutenga mushonga wechokwadi.
Tinoda kuyambira varimi kuti zvisinei kuti tiri kuedza nepose patinogona kushandisa mishina yechizvino-zvino avo vari kugadzira mishonga yemanyepo vari kuzamawo muchitsotsi chavo.
VaMuhwati vanoti nekuda kwekuwanda kwekutengeswa kweShumba Super Dust yemanyepo zvakakosha kuti varimi vatenge mushonga uyu muzvitoro zvinozivikanwa vachitarisawo chinyorwa chenhamba yegaba, musi wakagadzirwa mushonga newaunopera simba. Kana usina kugutsika usatenge!
Varimi vanokurudzirwa kutsvaga mazano kubva kune varimisi vavo uye kana vasiri kugutsikana vatichaire nhare panhamba dzinoti (04) 486134/146 ne08677000329. Varimi vanoyambirwa zvakare kuti vangwarire vanhu vanofamba vachida kuchinjanisa zvipfuyo zvavo nezvinhu kana vasina mari.
Sekutaura kwevagadziri vemushonga uyu: “Akuruma nzeve ndewako! Okuncweba indlebe ngowakho!”




