Roja rakadzura gonhi

Yvonne Chidochashe Manyanja

ROJA rekudzupura gonhi apo rairwisana nemudzimai waro zvikazoita kuti ribhadhariswe mari yekuritsiva rinonzi rave kudya marasha richiti riri kuda kudzoserwa mari yaro nemuridzi wemba. Florence Gono akaendesa Trevor Max kudare reHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza nekuda kwe$80 iyo yaakamubhadharisa zvichitevera kudzura kwaakaita gonhi repamba pake apo airwa nemudzimai wake.

“Changamire, mukomana uyu akanga ari roja pamba pangu. Hameno kuti akanga abatwa nemweya rudzii ndokurwa nemukadzi wake zvekuti vakasvika pakudzupura gonhi rangu. Paakaita izvi haana kana kumbofunga kuda kurigadzirisa, akabva abuda mumba mangu achinogara kumwe achisiya mbatya dzemukadzi wake dziri mumba mangu zvekuti handina kukwanisa kuisa mamwe maroja.

“Nyaya iyi takaimhan’ara kumapurisa akabva andipa mari asi akabva aita ruzha achiti aida kuuya kuzopunza mahwindo emba yangu nekuti ndakamumhan’arira.

“Izvi akatouya akazviita ndokupunza mahwindo ose zvawo zvekuti takange tave kutya kuti anogona kutotikuvadza. Akabhadhariswa mahwindo aakapwanya akanditevera kumba kwangu achiti aida mari yake yaakabhadhara yemba asi akanga atombogara mumba mangu saka hameno kuti $100 yaaida yakanga iri yeyi,” akadaro Gono.

Max akaramba zvakataurwa naGono achiti ndiye ane mari yake sezvo akamubhadhara mari yemba yaasina kuzogara uye akamupa mari yekupwanya kwaakaita mahwindo negonhi yose ndokukwana $190.

“Mari yavo yemahwindo neyegonhi ndakavapa mushure mekunge ndaibhadhariswa kumapurisa, yaikwana $190. Saka zvavari kutaura handichazivi pamwe vave kuda kuita mari neni.

“Nyaya iripo ndeyekuti ndakatovapinza mudare ndichida kuti vandibhadhare mari yangu nekuti ndakasiya ndavabhadhara mari yandisina kuzogara,” akadaro.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati nyaya iyi idzoke mudare apo mapurisa anonzi ane ruzivo nezvekubhadharisana kwakaita vaviri ava achange achizopa umboo.

Related Posts

Gororo rine pfuti rabatwa rahwanda muchibage

Kingstone Mapupu GORORO rainge rarura nekubira vatyairi vedzimotokari rakapakata pfuti pamugwagwa rakazobatwa rakavhumbama pakati pemunda wechibage mushure mekunge rahwanda apo raive rabira mumwe mutyairi US$50 kuBulawayo. Mbavha iyi yakakwidzwa motokari…

Makore 10 mujeri sekuru vabata muzukuru chibharo

Moffat Mungazi MURUME ane makore 68 okuberekwa wekuChikanga, kwaMutare — Harry Peter Mangani — akatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi mushure mekuwanikwa aine mhosva yekubata chibharo muzukuru wake ane makore 28…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×