Anopisa nhumbi dzagogo dzemukati

Amager Mufema

MUZUKURU anonzi ane katsika kekupisa zvipfeko zvaambuya vake zvemukati, kuvarova pamwe nekuvapumha huroyi. Juliet Mabure akadunura pamberi pedare reHarare Civil Court achiti ari kuoneswa pfumvu nemuzukuru wake Innocent Mabure.Juliet akaudza dare kuti: “Muchiona ndauya kuno kudai, kumba kwandigere hakuna kumira zvakanaka. Ndiri kutotadza kutimba rinopisa zvichikonzerwa nemuzukuru wangu. Ane tsika yekupisa nhumbi dzangu dzemukati, handizive kuti anozviitirei uye apindwa neiko mwana wemwana wangu uyu.”

Akaenderera mberi achiti anotukwa nekurohwa nemuzukuru wake achinzi muroyi.

“Ndisingagumire pakupisirwa nhumbi dzangu dzemukati, muzukuru uyu anonditukirira achiti ambuya ndimi makadya vabereki vangu, muri muroyi uye dai pasina imi ndingadai ndisiri nherera. Anogarazve achindirova nesimbi. Nyaya yacho ndakatoimhan’ara kuMarimba Police Station zvekutoti izvozvi ari kutsvagwa nemapurisa. Saka ndinokumbirawo dare rindipewo gwaro redziviriro nekundibatsira kuti mwana uyu abve hake pamba pangu,” akadaro Juliet.

Innocent akapokana nezvaitaurwa naambuya vake achiti vane hutsinye hwakakomba.

“Zviri kutaurwa nagogo vangu manyepo, handivashungurudze. Ndivo vanotondidzinga pamba, iko zvino ndiri kutorara muzvimota zvakafa ndichirohwa nechando.

‘‘Kudya ndinotopihwawo nevanenge vachida kundipawo mumigwagwa. Ndiri kutoshamiswa nezvavari kuti ndinovashungurudza,” akadaro Innocent.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa Juliet gwaro redziviriro.

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×