Roja rakarova pasi nerendi

court
MURUME wekunzi akatiza pamba paaigara asina kubhadhara mari yerendi achisiya mukadzi nevana vachidya nhoko dzezvironda, akazochiona apo akaendeswa kudare nemuridzi wemba uyo aida mari yake. Patricia Chifeya akamhan’arira Nickson Nherera kuHarare Civil Court achida kubhadharwa mari yake yerendi.

“Murume uyu aigara pamba pangu ndokubva achisiya chikwereti cherendi nechemvura. Ndinokumbirawo dare kuti rindibatsire andipe $110 yangu,” akadaro.

Chifeya akati Nherera aiva netsika yekuunza rendi paaidira izvo zvakazoita kuti apedzisire atiza pamba apa achisiya mhuri yake. “Ini ndakazongobva kumusha ndichinzwa kuti akatiza mukadzi wake nevana zvese achindisiira mutoro wekuvachengeta. Rendi yacho aizopa mwana wangu ndanzwa nekupopota ndiri kumusha. Chikafu takanga tava kutodya pamwe chete semhuri nemukadzi wake iye atiza. “Mwana wangu ari kuchengeta pamba pari zvino ndiye akandiudza kuti mari yerendi haana kusiya pamwe chete neyemvura. Ndakazoguma ndabvisa mukadzi wacho muimba yaaigara ndikamuisa mune imwe kuti nditsvage mari yekuzviraramisa nekuisa mumwe munhu aibhadhara rendi. Nanhasi mukadzi wake achiri kungogara pamba pangu pasina rendi iri kubhadharwa,” akadaro Chifeya.

Nherera akapindura achiti: “Mari iri kutaurwa yakawandisa pane chikwereti chandinacho, dai vauya nemapepa ane umboo. Ishe wangu, ini basa rangu ndere kusona bhutsu. Mari ndinokwanisa kuiona muzvidimbu sezvo mazuva ano kusina basa, bhutsu dzangozara dzakachipa.

“Mari yandiri kuziva ndeye mvura, yavari kuti yerendi mwana wavo wandaipa anenge aipota achizvibatsirawo nayo. Mukadzi wangu handina kumutiza asi kuti ndaiva ndambopinda mumasango kutsvaga zvingandiraramisa.”

Mutongi Barbra Masinire akati nyaya yevaviri ava yaizoenderera mberi sezvo Chifeya akanga asina umboo hwakakwana hunotaridza kuti Nherera aiva nechikwereti chake.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×