Roja rakatiza nemari yemba

Lizzy Mushoriwa
ROJA rekutiza pamba paraigara risina kubhadhara chikwereti chemari yerendi rakazoigochera pahutsi apo muridzi wemba akakwidza nyaya iyi kumatare edzimhosva.

Tsvakayi Taranhike akamhan’arira Nyaradzo Makuhwa, uyo aimbova muroja wake, kuHarare Civil Court achida mari yake yemba yaainge atiza asina kubhadhara.

Taranhike anoti Makuhwa akatiza nemari yake yemba yemwedzi yakawanda. “Changamire, amai ava vaigara pamba pangu uye vakatiza nemari yangu yavakange vave nemwedzi yakawanda vasingabhadhare. Ndakazongowana atiza nemari iyi asina kana kuoneka. Mari yangu i$150 uye vaibhadhara $40 pamwedzi,” anodaro Taranhike.

Makuhwa anotsinhira kuti ane chikwereti chaTaranhike asi anoti mari yaari kutaura yakawandisa.

“Ini handirambe, ehe mari yavo ndinayo asi yavataura yakawanda nekuti gogo ndaibhadhara chikwereti chavo chemagetsi. Ndinofunga mari yavo yandinayo i$60 kana $70, handisi kunyatsoziva hangu,” anodaro.

Taranhike anoti Makuhwa aiva netsika yekumborega kubhadhara rendi mimwe mwedzi.

“Anonyepa mukadzi uyu, aiva netsika yekucharika mimwe mwedzi ozobhadhara pava paya. Mari iyi ndiye akatoinyora kuti i$150 ini handigone kunyora saka ndaiti maroja angu ese anyore mari dzangu dzavanenge vanadzo.

“Asi kana ati ndiyo yaanayo, ngaandipe kana dhora ndinotambira nekuti ndanzwa nekufamba, makumbo haachada aya,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akati Makuhwa abhadhare $70 yechikwereti chemba yaTaranhike musi wa28 Kukadzi 2018 usati wadarika.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *