Imba yakauraya vanhu 4

Kingstone Mapupu
VANHU vana vemhuri imwe chete vakafa, vamwe vatatu ndokukuvara, apo imba yavainge varere yakadhirika nekuda kwemvura iri kunaya mubhuku raChidawa kwaMambo Nyajina, kuUzumba.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kuMashonaland East Province, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vanoti imba iyi, yaMai Fadzisai Florence Chikuyeni (58), yainge irere vanhu vanomwe apo yakadhirika zvichitevera kunaya kwemvura zvakanyanya.

Tsaona iyi inonzi yakaitika nenguva dza6:30 mangwanani nemusi wa11 Kukadzi.

“Semapurisa, tine mashoko anosuwisa emba yakadhirika kuMutawatawa ikakuvadza nekuuraya vamwe. Hatizive zvedu mavakirwo aiva akaitwa imba iyi asi tinoti misha ngaivakwe zvakasimba kuti isazokonzera tsaona dzakadai,” vanodaro Asst Insp Mwanza.

Vakashaika munjodzi iyi ndiMai Chikuyeni, Ngonidzashe Kulambandewo (4), Precious Kulambandewo (2) naRutendo Madande (7).

Vamwe vatatu vaive varere mumba umu – Alouis Kulambandewo (7) Blessing Kulambandewo (13) naRachel Kulambandewo (11) – vakapona apo vakanunurwa nevavakidzani.

Vatatu ava vakaendeswa kuchipatara cheMutawatawa uko vakanorapwa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *