Rovambira nemhungu zvakasiyana

naJairos Tapfuma
NDANGA ndagarisa ndisati ndambonyora asi ndaona zvakakodzera kupa maonero angu pamusoro penyaya yakabuda muKwayedza (Ndira 1-7 2016) yaiva pamusoro penyoka yerudzi rwerovambira inonzi yakaruma mukadzi wekuBuhera akabva afa, dzimwe nyoka mbiri ndokuzouya parufu rwake vanhu vakatiza chitunha.

Ndinoda kujekesa nekuwedzera zvimwe zvezvakazonyorwa naIgnatius Mabasa pamusoro penyaya iyi apo anoti, “Haisi rovambira yakavaruma”.

Mabasa anofananidza rovambira nemhungu asi ini ndinoti handizvo. Mhungu nerovambira inyoka mbiri dzakatosiyana zvachose.

Ndinowirirana naye pakuti rovambira harina kukora semutswi sezvinotaurwa nevakaona nyoka yekuruma mukadzi wekuBuhera, asi rovambira nemhungu zvakasiyana.

Mimwe misiyano yacho iri pakuti:

Mhungu (Cobra):

Mhungu ndinoiziva iri imwe yenyoka dzinowanikwa kudunhu reMashonaland East, kunyanya maMurehwa, Chihota, Hwedza neBeatrice, umo mune masvosve anonzi mhamhatsi ayo asingade kuonana nenyoka iyi. Mhungu dzinowanzobuda kana kwanaya, uye kwaita kazuva apo dzinoda kuzambira mushana.

Mhungu yakasvibira (grey) ichinosvibisisa (kuita hutema) iine pasi pakatsvukuruka (yellowish) kana ruvara rwemashizha ave kusvavirira.

Mhungu inozvimbisa pahuro kana yashatirwa uye inosvipa mate anoenda chinhambwe.

Mhungu zvakare inokwezvwa pamusha nehuku dzinokandira mazai.

Asi mhungu haiwanzoruma kana ukasiyana nayo, uyezve usatizire kumwena wayo kana wavhiringana nayo. Apa munopedzerana.

Rovambira (Black Mamba):

Ichi ndicho chirombo chenyoka. Kusaziva zvangu kana ichioneka mumisha, asi kashoma. Rovambira rinofarira muzvikomo nemumatunhu ane huswa hurefu umo munowanikwa mbira (rabbits) kana magwiti (zimbeva hombe remubani).

Rovambira rakareba kwazvo asi rakatetepa. Rakasvibirawo zvekuita “greyish” asi riine kakuchenuruka richida kunoita “brownish” sekunyora kwaMabasa.

 

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×