Trust Khosa
SHASHA yemusambo wejazz, Tanga wekwa Sando, anoti rudo rwechokwadi rwuchiriko.
Akataura mashoko aya apo vanhu vari murudo vari kugadzirira kupemberera zuva guru reValentine’s Day.
Zuva iri rinopembererwa nemusi wa14 Kukadzi gore negore.
“Rudo rwechokwadi rwuriko uye munhu anokwanisa kurwuwana kana akatora nguva yake achitsvaga mudikani wake,” anodaro.
“MuChiShona pane hunonzi ‘hunhu’ hunoumba zvinotarisirwa pamunhu anoyemurika, kuve nemwoyo wakanaka nekuremekedza vamwe.
“Nekuve nezvinotarisirwa izvi, rudo rwechokwadi rwunokwanisa kuwanikwa uye vadikani vofadzwa nerudo rwuri pakati pavo.
“Zvakangofanana nemhando yeruva ye‘lily’ rinoda kugara richidiridzwa, rudo rwunoda kugara rwuchikuchidzirwawo nekuti vaviri vari murudo, mumwe nemumwe wavo anenge achida kuti ave pane mumwe wake.”
Nyaya dzevari muwanano vanorambana dzakakwira zvakanyanya muna2025, apo vanhu vanosvika 3 989 vakanyorera kudare guru reHigh Court vachikumbira mvumo yekuti varambane, kunove kukwira nechikamu che27 percent kana zvichienzaniswa ne3 138 avo vakanyorera muna2024.
Zvichikonzerwa nemamiriro ezvehupfumi, kusavimbana muwanano uye kusanduka kuri kuita tsika nemagariro evanhu, vanhukadzi ndivo vakawanda vakanyorera kuti vange vachirambana nevadikani vavo.
Pachitariswa izvi, Tanga, uyo anoimba pamusoro perudo rwechokwadi munziyo dzake dzinosanganisira “Wake,” “Paidamoyo,” “Nyenyedzi,” na“Buhera,” anokurudzira vanhu vari murudo kuti vatarise kunaMwari kuti apindire pakati pavo.
“Chimwe chinhu chinoita kuti vari murudo vafadzwe newanano yavo kusiira zvose kunaMwari uye kuve vakavimbika nguva dzose.
“Kuzvipira kune mumwe nemumwe kunodiwa kuitira kuchengetedza rudo uye aya mamwe emazano andinogovana nevatsigiri vangu kumativi mana enyika.”
Apo nyaya dzekurambana dzisashamise muZimbabwe, Tanga anoti dzinokwanisa kudzikira kana vanhu vari muwanano vakavimbana.
“Sezvandamboreva, rudo rwunokwanisa kuendeka kana paine kuvimbana nekuzvipira kune mumwe nemumwe.
“Hongu, tinogona kuve nekusafamba zvakanaka munyaya dzerudo, asi izvi zvinokwanisa kugadzirika,” anodaro.
Tanga achange achiita shoo musi wemhemberero dzeValentine’s Day.
Muimbi uyu — uyo anove akaberekerwa uye ndokukurira muHighfield — muHarare akatanga kuimba ari kuchechi uko akadzidzira kuridza midziyo yemhanzi.
Agara muindasitiri iyi kubva kumakore ekuma1970 uye ari muchikwata chimwe chete naPhilip Svosve, uyo achiri kuita zvekuimba.
Tanga anorumbidzwa zvakanyanya nekusimudzira musambo wejazz muZimbabwe.
Zvisinei nezvimhingamipinyi zvine chitsama zvakatarisana nevanotsigira jazz, Tanga ari kuramba achiita mashoo nguva nenguva, kunyanya kwaanenge akokwa, panguva iyo vakotsveri vemimhanzi vari kutaridza kusave nehany’a yekusimudzira musambo uyu.
Jazz inozivikanwa semusambo wevanhu vabva zera.
Tanga haana kungozvigadzirira zita rake chete asi kupawo gwara kune vamwe vaimbi vanosanganisira Tendai Manatsa nemudzimai wake, Selmor Mtukudzi, vasati varoorana.
Kuzvipira kwaTanga mukuimba nziyo dzerudo uye kuve chipangamazano kunogona kupa tariro kune vari murudo kuti rwurambe rwuchiendeka panguva iyo zvinhu zvinenge zvakaoma.
Maitiro ake haangopemberera chete nyaya dzerudo asi anotaridzawo kukosha kwekuvimbana, kuzvipira kune mumwe nemumwe uye kuti pave nesungawirirano yakasimba.



