Russia yotsiurwa pakushandisa zvinodhaka

Sp4
Lord Coe

MUMWE wevakadzvokora chigaro chekutungamirira sangano reInternational Association of Athletics Federations, Lord Coe, anoti haatsigire kushandiswa kwemishonga inodhaka kana isingatenderwi nevatambi, kunyanya sezviri kuitwa nevamwe vatambi vekuRussia.Coe anoti zvinosuwisa zvikuru kuti vatambi vekuRussia vari kuongororwa vachibatwa pamuchina kuti vari kushandisa mishonga inodhaka isingatenderwe.

Coe anoti vatambi vanofanirwa kugara vachiongororwa sezvo izvi zvichibatsira mukuderedza nyaya dzekushandiswa kwemishonga isingatenderwi.

“Pane kukanganisa chimiro chevamwe vanhu kuripo uye zviri kukonzerwa nenyika shoma kwazvo,” akadaro Coe.

Achitaura nemupepeti wenhau weBBC Sport, Dan Roan, Coe akati anotsigira chirongwa chekuongorora vatambi achiti chinoratidza kuti chine gwara rakanaka.

“Kuongororwa nguva nenguva kunorerutsa mutoro wevanoongorora vatambi zvakare kuchibatsira pakuderedza kunetsana kwevatambi nevatungamiriri vanoona nezvemitemo,” akadaro Coe.

“Tinoziva zvakare kuti izvi hazvisi zvevatambi vanoita zvemijaho yekumhanya pamwe nekusvetuka chete uye inyaya isingabati vatambi chete.”

Tsvakurudzo yakaitwa nemumwe aiva musangano reRussian Anti-doping Agency inotaridza pachena huwori hwaiitwa nesangano iri kuRussia apo vaivanza mhosva dzaiwanikwa pavatambi vakasiyana.

VeIAAF vanoti vari kuongorora mhosva iri kupomerwa nyika yeRussia iyi.

“Kana paine mibvunzo vanenge vawana mhinduro uye vanofungirwa kuti vane mhosva vakawanikwa vainayo zvechokwadi vanofanirwa kurangwa zvakafanira, vanofanira kuomeserwa zvakanyanya,” akadaro Coe.

“Tinofanira kuratidza kuti tiri vanhu vasingaite zvedambe nebasa redu uye tinoedza napose patinogona kuti pasawane anon’oresa zvemitambo achityora mutemo.” — BBC Sport

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×