Mangwiro orairidza Harare City

mangwiro
Taurai Mangwiro

Abel Ndooka
CHIKWATA cheHarare City Football Club chakagadza Taurai Mangwiro pachigaro chinopisa chohurairidzi zvichitevera kusiya basa kwaakaita kuCAPS United uko kwaainge atungamira kwemakore matatu.Mangwiro akatsiva Masimba Dinyero uyo ange achifanorairidza chikwata ichi zvichitevera kudzingwa kwakaitwa basa Bigboy Mawiwi mwaka wenhabvu wadarika.

Dinyero ndiye achange ave kutungamira nhabvu yevechidiki muzvikoro zvekanzuru yeHarare City.

Sachigaro weHarare City FC, Alois Masepe, anoti chikwata chavo chine mufaro mukuru kuti chakakwanisa kuwirirana nemurairidzi ane ruzivo rwemutambo uyu.

Masepe anoti Mangwiro achange achibatsirwa mubasa rake naMike Madzivanyika waaishanda naye kuCAPS United pamwe naMkhuphali Masuku uyo waakamboshanda naye zvekare.

“Takamhanya kutaurirana naTau tikamuudza zvatinotarisira kubva kwaari uye isu akatiudzawo zvaanoda kubva kwatiri saka tinovimba kuti tichave nehukama hwakanaka.

“Pana Tau tave nemurairidzi anoziva basa rake, tinovimba kuti achatisvitsa patinoda kusvika isu tichamutsigira zvakasimba mubasa rake,” akadaro Masepe.

Zvakadaro, Masepe anoti chikwata chavo chave kusimbisa nhabvu yevechidiki uye chakagadza chikwata chevarairidzi avo vachange vachishanda zvakasimba kubika tarenda revechidiki.

Varairidzi ava ndevanoti David George, Elvis ‘Chuchu’ Chiweshe, Richard Tswatswa pamwe naDinyero.

George akagadzwa pachigaro chatechnical director weJunior Football apo achange achitungamira nhabvu yevechidiki yese kozoti Chiweshe ndiye achange achirairidza Football Academy yeHarare City.

Dinyero pamwe naTswatswa ndivo vachashanda nevana muzvikoro zvekanzuru vachisumudzira mutambo wenhabvu.

“Nhabvu yevechidiki ndiyo yatave kukoshesa manje nekuti tiri kuda kusvika panguva iyo tichange tave kubika vatambi vedu tega. Tichange tave kusatenga kubva kune zvimwe zvikwata, kwete, vatambi tenge tichitora muAcademy yedu.

“Takatora varairidzi vemhando yepamusoro avo vachashanda zvakasimba kuumba chikwata chedu,” akadaro Masepe.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×