Rusvava rwanunurwa muchimbuzi che’blair toilet’

Liberty Dube

MUCHIITIKO chinokatyamadza, mudzimai wekwaSabuku Manzvire kudunhu raMambo Musikavanhu kuChipinge akabara mwana mukomana ndokumukanda muchimbuzi chemhando ye’blair toilet’ umo akazonunurwa nemapurisa mushure mekunge vachera nepadivi pechimbuzi ichi.

Mucheche uyu, akazotumidzwa zita rekuti Anashe nemumwe mukoti wepaSt Peter’s Mission Hospital kuChisumbanje.

Akazvarirwa pamusha pasisagare vanhu kwaSabhuku Konjana kwaMambo Garahwa kuChipinge kwakare.

Amai vemwana uyu, Getrude Sithole, vakange vapihwa pamuviri apa nemumwe murume wemumusha waSabhuku Konjana uyo vaitsvaga zvisinei nekuti vaisaziva zita rake.

Sithole akange abva kumusha kwake kwaManzvire achitevera murume uyu, anonzi mugari weko.

Paakasvika, akatanga kunzwa marwadzo ekuda kubara  ndokusununguka mwana uyu pane mumwe musha usisagare vanhu.

Sithole akamonera mwana uyu nemucheka ndokumukanda muchimbuzi chakareba mamita maviri.

Akazozama kuda kutiza asi akakurirwa nemarwadzo ekubara izvo zvakakonzera kuti apedzisire ave kutadza kufamba.

Sithole akazoonekwa nemumwe mugari wemumusha uyu, Tapera Mandipanga, uyo akatevera mutsetse weropa raive radonhera pasi kusvika kuchimbudzi chaiva pedyo ndokuwana mukati macho muine mwana achangobva kuberekwa ari mupenyu.

Mapurisa akabva aziviswa ayo akauya ndokununura mwana uyu mushure mekuchera nepadivi pechimbuzi ichi.

Mwana uyu pamwe chete naamai vake vose vakabva vakamhanyiswa kuchipatara cheSt Peter’s Mission Hospital kuti vanorapwa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi vachiti mwana uyu utano hwake huri pakanaka.

Sithole ari kupomerwa mhosva yekuisa hupenyu hwerwusvava urwu panjodzi pasi pemutemo weSection 108 of the Criminal Law (Codification and Reform) Act (Chapter 9:23) zvichitevera kumukanda kwaakaita muchimbuzi.

“Munhu ari kupomerwa mhosva murwere wepfungwa anogara nevabereki vake kwaManzvire kwaMambo Musikavanhu, kuChipinge. Akaita pamuviri asi akatadza kuziva munhu akamupa pamuviri uye anongoziva kuti murume uyu anobva kwaKonjana Village. Sithole akaenda kumusha waKonjana nemwanasikana wake ane makore maviri okuberekwa achitsvaga murume akamupa pamuviri.

“Paakasvika kwaKonjana, akanzwa marwadzo ekuda kubara ndokubva asununguka mwana pamusha usisagare vanhu. Akamonera mwana wacho nejira ndokumukanda muchimbuzi chegomba chakadzika mamita maviri. Paakaedza kubva panzvimbo iyi aine mwanasikana wake ane makore maviri ari kumusana, akatadza kufamba nekuda kwemarwadzo uye kubuda ropa. Akazoonekwa naTapera Mandipanga (52), uyo akamubvunza zvaimunetsa.

“Mushure mekutevera mutsetse weropa raidonhera pasi, munyeveri uyo akaongorora chimbuzi chaive pedyo ndokuona mukati macho muine rusvava. Akabva amhan’ara nyaya iyi kumapurisa,” vanodaro Asst Insp  Chinyoka.

Mapurisa akauya nekukasika ndokubuditsa mwana mucheche uyu mushure mekunge vachera nepadivi pechimbuzi ichi.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×