Rwatata: Nyama yevazukuru

Nyama yerwatata yakabikwa.
Nyama yerwatata yakabikwa.

ZVICHITEVERA chikumbiro chevaverengi veKwayedza maringe nemabikirwo enyama yerwatata, svondo rino tinokupakurirai makangirwo enyama yakapfava iyi zvichibva kunyanzvi yezvekubika, VaTaurai Vheremu avo vanoshanda paimwe nzvimbo yekutandarira vanhu vachidya muHarare.Kare nyama yerwatata yainzi yaidyiwa nevazukuru asi mazuva ano yave kudyiwa nevanhu vose.

ZVINODIWA:

Tenga rwatata muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo.

Poto kana hadyana yakachena.

Mafuta, hanyanisi, munyu netomato puree kana matomatisi.

Banga rakachena.

MABIKIRO:

Cheka nyama kuita zvidimbu zvakafanira.

Geza rwatata nemvura yakachena wofashaidza kwemaminitsi makumi mana nemashanu. Kanda munyu wakaringana wozoisa hanyanisi, matomatisi kana kuti tomato puree.

WOZODINI?

Kana rwatata rwaibva rwunoonekwa nemuto wakakorera.

Rwatata rwunodyiwa nesadza jena, remhunga, remapfunde kana kuti nemupunga.

 

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti +263 773 394 753.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×