Sabhuku abatikidzwa achishinha nechirikadzi mubhedhuru mayo

Lovemore Kadzura

SABHUKU Mazarura wekudunhu raMambo Saunyama, kuNyanga akabatwa nemhosva yehupombwe mudare rashe veko mushure mekubatikidzwa achishinha nemudzimai anove chirikadzi uyo achiri kugara pamba pemurume wake pamwe chete nekuchengetwa nehama dzemushakabvu.

Sabhuku uyu akabatwa nemhosva iyi zvisinei nekuti akange aripiswa kare mombe mbiri nedare raSadunhu Nyamutowera nekuda kwemhosva imwe chete iyi.

Mombe mbiri idzi dzakapihwa kumhuri yeChikwiramakomo, hama dzemurume wemudzimai anove chirikadzi uyu.

Nyaya yekutongwa kwaSabhuku Mazarura inonzi yakange yakwira mutanda nekuda kwekuti pakutanga akamboramba kubvisa muripo uyu uye ndokutaridza kuzvidza vakuru vake, vanosanganisira sadunhu namambo.

Maitiro ake aya, dare rakaudzwa, kushora hutongi hwechivanhu panguva iyo sabhuku uyu anofanirwa kunge achiremekedza basa rinoitwa nevatungamiriri vakadai semadzishe mukuona kuti tsika nemagariro akanaka zvachengetedzwa.

Achitaura mudare, Sabhuku Mazarura akabvuma kuti akadanana nechirikadzi iyi kwemwedzi mishanu apo gure iri rakazofumuka.

Nyaya yerudo pakati pevaviri ava yakabuda pachena apo mumwe wemumhuri yekwaChikwiramakomo akavabatikidza vachishinha vose. Sabhuku Mazarura akabva ataura kuti vaigara vachishinha mubhedhuru memushakabvu anove murume wechirikadzi iyi.

“Hongu, ndakabatikidzwa ndichishinha nemudzimai uyu. Nyaya iyi yakamhan’arwa kudare rasadunhu. Rudo pakati pedu rwange rwave nemwedzi mishanu. Mudzimai uyu ichirikadzi. Padare rasadunhu, Chikwiramakomo (hama yemushakabvu) aida mombe nhatu. Ndakaudza dare kuti muripo waidiwa uyu wakange wanyanya kukurisa ndokubva vaudzikisa kuenda pamombe mbiri. Ndakaripawo mudzimai wangu nemombe imwe nekuda kwekusambika kwandakaita muwanano yedu.

“Sadunhu vakandiripisa zvakare vachiti takabatikidzwa tichishinha musango (mahwandauswa). Izvi ndakazviramba nekuti hatina kumbobvira taenda musango asi taishandisa bhedhuru remudzimai uyu. Dare zvakare rakati rinoda mari yedare asi ndakaramba nekuti sadunhu ane chikwereti changu chemari uye ndakamuti ndinofanirwa kubvisa pachikwereti ichocho. Manyepo kuti ndakatuka sadunhu,” anodaro Sabhuku Mazarura.

Mambo Saunyama vakati mutongo wakapihwa naSadunhu Nyamutowera unoenderana nezvinotarisirwa patsika nemagariro uye ndokuti Sabhuku Mazarura anofanirwa kubvisa mombe mbiri idzi nekubhadhara mari yedare.

“Mudzimai uyu, zvisinei nekuti ichirikadzi, achiri muroora kwaakarorwa. Sabhuku Mazarura akaita chehupombwe uye zvinonyadzisa kuti munhu ane chigaro chakadaro amire mudare muno nemhosva yakadai.

“Unoshaya chiremerera munharaunda yaunotungamirira. Unofanirwa kutungamirira uchipa mucherechedzo wakanaka uye kuremekedza vamwe.

“Hupombwe inyaya huru inogona kukonzera matambudziko makukutu. Wakabatikidzwa uine mudzimai uyu uye waigona kunge wakatemwa nedemo,” vanodaro Mambo Saunyama.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×