Saido Berahino achatengwa nani?

MUTAMBI weWest Brom, Saido Berahino, uyo ari kupisa parizvino, achatengeswa mwedzi uno kana chikwata ichi icho chiri kutatarika muPremier League chawana mari inopfuura 20 miriyoni paunzi pashasha iyi.

Hurukuro dzekupa mutambi uyu kondirakiti itsva kuHawthorns dzakambosendekwa paKisimusi uye technical director wemaBaggies, Terry Burton, anoti ramangwana remutambi uyu vacharisiira mumawoko emurairidzi wavo mutsva — Tony Pulis.

Asi hazvo, zvinonzi hapana chikwata chamboti chinoda kutenga mutambi weWest Brom uyu, uyo anotambira England Under-21 ane kondirakiti ichapera mugore ra2017.

Liverpool pamwe neTottenham Hotspur ndizvo zvange zvichifungidzirwa kuti zvinoda kutenga Berahino masvondo adarika uyo anwisa kasere mumitambo 20 yePremier League mwaka uno.

Asi apo zviri kufungidzirwa kuti chikwata chekuMerseyside ichi chiri kunzi chinoda mutambi uyu, maGunners anonzi vazvibvisa kure nenyaya iyi.

Uye Berahino, uyo akanwisa kana apo West Brom yakarakasha Gateshead 7-0 mumitambo yeFA Cup svondo radarika, pane fungidziro huro yekuti Pulis anoda kuti mutambi uyu agare kuchikwata ichi kuti achibatsire kurwira kuti chisaburitswe muligi kutanga iye zvino kusvika parinopera. — Sky Sports News

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×