DETEMBA TINZWE: Kodzero

naNomatter Chifamba

Vakuru navadiki, majaya

Nemhandara ndauya ini

Nyanduri kuti tidzidzisane

Nezvekodzero

Chii chinonzi kodzero?

Kodzero kurarama hupenyu

Pasina kuchichidzirwa kana

Kudzvanyirirwa

Ini kodzero yangu ndeyekuenda

Kuchikoro kunodzidza

Nekutengerwa zvose zvinodiwa

Kuchikoro

Kuziva chakanaka pamwe

Chete nechakaipa, tsika

Nemagariro edu isu

Vanhu vatema

Kuziva mitambo, rukudzo

Pamwe nechinamato

 

  • Nomatter Chifamba ari muGrade 7 Cream paSeke 11 Primary School, kuChitungwiza.

 

MAONERO:

Ndinofara kana vechidiki vachinyora nhetembo dzinoburitsa pfungwa nemaonero avo pamusoro penyaya nematingindira ezvinhu zviriko nhasi uno zvakaita sekodzero.

Mazuva ano kwese kwese tave kungonzwa kuti kodzero dzemadzimai, kodzero dzevasungwa, kodzero dzemhuka nezvimwe zvizhinji.

Pano nyanduri wedu abva atanga nekutiudza kuti chinangwa chake ndechekuti “tidzidzisane nezvekodzero.”

Nyangwe zvake ari kuti tidzidzisane, chokwadi chiripo ndechekuti iye ndiye ari kutiudza kuti chii chinonzi kodzero.

Nyanduri ati, “Kodzero kurarama hupenyu pasina kuchichidzirwa kana kudzvanyirirwa.”

Apa ndinoda kuti ugadzirise chiperengo chako nekuti hatiti kuchichidzira, asi tinoti kutyisidzira. Maonero ako haana kuipa, asi kune vamwe vanogona kukubvunza kuti, “Zvinoenderana nekuti ndiani ari kuti zvacho zvauri kuti kutyisidzirwa kutyisidzirwa?

Uye ari kuti zvauri kuti kudzvanyirirwa ndiani?”

Ichokwadi kuti ikodzero yako yekuenda kuchikoro kunodzidza, asi ndizvo here kuti ikodzero yako yekutengerwa zvese zvinodiwa kuchikoro?

Ipapa vamwe vabereki vanogona kusabvumirana newe nekuti vanenge vachiti zvimwe zvezvinodiwa kuchikoro hazvinei nekudzidza kwako uye havana mari yekuti vazvitenge.

Saka pakadai toti kodzero dzako dzakanganiswa here?

Ndima yako yekupedzisira iri kupfuurira mberi nekutsanangura kuti kodzero chii.

Wati iwe kodzero kuziva chakanaka nechakaipa, tsika nemagariro.

Ini ndinofunga kuti dai wataura uchipa mienzaniso.

Uye tsika nemagariro zvimwe zvezvinhu zvinonzi zvinokanganisa kodzero.

Kana zvimwe zvinamato zvinoti vana vasaende kuchikoro kana kubaiwa majekiseni ekudzivirira zvirwere zvinokanganisa kodzero dzevana.

Saka iwe sanyanduri, tanga waita tsvakurudzo yakasimba, uye uzvibvunze mibvunzo usati watanga kudzidzisa kuti dzidziso yangu inoendeka here.

Asi pagiredhi 7, unogona, uye ramba uchinyora.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×