Samusha ari ‘kukuya nyemba nemusana’

law-main_900x300Garnet Zvimba
SAMUSHA wekuomerwa nekubvisa mari yekuchengeta mwana wake sezvo asingachasevenzi akakumbira dare kuti ridzikise mari iyi achiti upenyu hwaave kurarama hwakafanana “nekukuya nyemba nemusana”. Dainus Musonza akakumbira Harare Civil Court kuti aderedzerwe mari yaari kubhadhara yekuchengeta mwana waakaita naIrene Mhike kubva pa$50 kuenda pa$25.

“Kutaura chokwadi pamberi pedare, ini handichasevenzi, nditori neumboo uye zvekuti ndirambe ndichibvisa $50 zvava kundiomera. Dai zvaikwanisika kuti ndichibvisa hangu $25 pamwedzi.” akadaro Musonza.

“Pari zvino ndinotoita zvemusika, pamusoro paizvozvo ndine imwezve mhuri inoda kuriritirwa neni zvekuti kurarama kwacho kukuya nyemba nemusana chaiko.”

Achipawo divi rake, Mhike akapokana nenyaya yekuti mari yemendenenzi idzikiswe achiti Musonza ane dzimwe nzira dzekuwana nadzo mari.
“Murume uyu anonyepa kuti mari haaiwani. Anopihwa mari yemaroja pamba pevabereki vake saka zvese zvaanotaura anongova manyepo.

Uyezve anoita zvechi‘neighbourhood’ ndakanzwa shamwari dzake dzichiti hadziwani muripo pabasa iri asi vanozombowanawo chouviri saka mari anayo.

“Ini ndinoitawo zvemusika anoti mari ndoiwana kupi? Ndinowanawo $3 chaiyo kupera kwezuva saka ndoga zvinondikunda.”
Mutongi Trevor Nyatsanza akati Musonza aizobhadhara $30 pamwedzi.

Related Posts

Mahwekwe nebindu rembanje mapurisa achifeya nyaya yokuba

MAPURISA ekuChipinge akasunga mumwe murume svondo rapera mushure mekuona bindu raive rakadyarwa mbanje apo vaiferefeta nyaya yekubiwa kwepombi dzemadiridziro pane rimwe purazi reko, iyo yakanga isina chokuita nembanje dzakazowanikwa idzi.…

Motokari ine chitunha yabatira moto

Arron Nyamayaro VAMWE vanhu vaive parwendo rwekunoviga hama yavo kumusha vakamhanyidzana kubvisa bhokisi raive nechitunha mumotokari inotakura vafi zvichitevera kubatira kwayakaita moto kuArdbennie, muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino. Vakaona izvi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×