Vechidiki vobatsira kurwisa malaria

download (1)
Kingstone Mapupu

SANGANO rinoona nezvebudiriro yevechidiki munyika, reYouth in Development Trust (YDT), rinoti riri kushanda neHurumende mukurwisa kupararira kwechirwere chemalaria zvichitevera kunaya kwemvura yakawanda munzvimbo dzakatsaukana dzenyika. Sachigaro wesangano iri, VaMoses Mutyasira (39), vanoti vari kushanda nenyanzvi dzezveutano nekurerwa kwevana vachipa chenjedzo kuvanhu nekuda kwechirwere chemalaria pamwe nekuti vawanewo zvekushandisa zvakaita semambure (mosquito nets) nezvimwewo zvakakodzera mukurwisa dambudziko iri.

“Isu sevechidiki ndisu tichine simba saka basa iri tinoriita pachena tichishanda neHurumende nemasangano akazvimirira.
‘‘Tiri kufamba tichigovera mambure ekudzivirira humhutu kumatunhu akaita seMuzarabani, Mbire, Mt Darwin, Mutasa, Nyanga, Guruve, Mazowe, Chipinge nekumwe,” vakadaro VaMutyasira.

Vanoti sangano ravo rave nemakore mana richishanda neHurumende muzvirongwa zvekusimudzira utano hweveruzhinji.
“Nzira iyi inoita kuti Hurumende isaremerwe zvakanyanya nekuti isu tinenge tiripo kuita mabasa aya,” vakadaro.
Mamwe masangano avanoshanda nawo anosanganisira Population Services International Zimbabwe.

Vanoti kune dambudziko guru ravanosangana naro rekuti vamwe vanhu havadi kushandisa mambure kudzivirira kurumwa nehumhutu sezvo vachiti anovava vamwe vachiashandisa mabasa akaita sekuredzesa hove.

“Tinofambawo tichifirita mudzimba nemuzvimbuzi uyewo kukurudzira vanhu kuti vacheke huswa pedyo nemisha yavo nekuita kuti matanga avakwe kure nedzimba pamwe nekuvhara makomba anojenge mvura.

“Tikasvika munzvimbo tinoenda kumakiriniki nezvipatara zviri pedyo, toona madzishe nemakanzura kusanganisirawo masabhuku tozotanga kushanda navo.
“Donzvo redu tinoda nyika isina zvirwere zvinoita kuti isu vechidiki tikwanise kushanda zvakanaka,” vakadaro VaMutyasira.

Related Posts

Mahwekwe nebindu rembanje mapurisa achifeya nyaya yokuba

MAPURISA ekuChipinge akasunga mumwe murume svondo rapera mushure mekuona bindu raive rakadyarwa mbanje apo vaiferefeta nyaya yekubiwa kwepombi dzemadiridziro pane rimwe purazi reko, iyo yakanga isina chokuita nembanje dzakazowanikwa idzi.…

Motokari ine chitunha yabatira moto

Arron Nyamayaro VAMWE vanhu vaive parwendo rwekunoviga hama yavo kumusha vakamhanyidzana kubvisa bhokisi raive nechitunha mumotokari inotakura vafi zvichitevera kubatira kwayakaita moto kuArdbennie, muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino. Vakaona izvi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×