Sarudzo Chikunguru 30

Tandayi Motsi
PRESIDENT Mnangagwa neChitatu svondo rino vakatara musi waChikunguru 30, 2018 kuti ndiro zuva richaitwa sarudzo dzenyika. Apa ndipo pachavhoterwa mutungamiriri wenyika, vamiririri vematunhu mudare reParamende pamwe chete nemakanzura. Zuva iri rakaziviswa kuburikidza negwaro reStatutory Instrument 83 of 2018 iro rakaburitswa muExtraordinary Government Gazette svondo rino.

President Mnangagwa vakatara zvakare Gunyana 8, 2018 semusi ungaitwa dzimwe sarudzo dzemutungamiriri wenyika (Presidential election run-off) ndokunge dzichifanirwa kuitwa.

Zuva resarudzo iri riri kuuya panguva iyo komisheni inoona nezvesarudzo munyika, yeZimbabwe Electoral Commission (ZEC), ichangopedza chirongwa chekuti vari kuda kuvhota musarudzo idzi vaongorore mazita avo kana arimo mumagwaro ekuvhota (voters roll inspection).

Chirongwa ichi chakatanga musi waChivabvu 19 ndokupera musi waChivabvu 29 apo vamwe vanhu vatsva vanodarika 100 000 vakanyoresa kuti vagovhota.

Vanhu vakanyoresa munyika yose kuti vagovhota vava kusvika 5,4 miriyoni.
Sachigaro weZEC, Justice Priscilla Chigumba, vanoti chirongwa chekuongorora mazita evachada kuvhota chakafamba zvakanaka zvikuru.

“Takange tiine mazuva 11 ekuongorora mazita evanhu vanoda kuzovhota uye nezuro (Chipiri svondo rino) ndiwo waive musi wekupedzesera wekuongorora mazita aya asi kwete wekunyoresa kune vanoda kuzovhota,” vanodaro.

“Kunyoreswa kwevanoda kuvhota kucharamba kuchienderera mberi asi kunenge kwave kuitwa kumadistricts 63 nemahofisi 10 ekumapurovhinzi ari kumativi mana enyika.”

Nerimwewo divi, mapurisa anoti agadzirira zvizere kuitwa kwesarudzo idzi.
Mukuru wemapurisa ari kuona nezvesarudzo (2018 ZRP Harmonised Elections Committee Commander), Senior Assistant Commissioner Erasmus Makodza, pari zvino vari kutenderera mumapurovhinzi ose enyika vachiona gadziriro dzaitwa nemapurisa.

Zvichakadai, ongororo ichangobva kuitwa nerimwe sangano rakazvimirira rekuKenya, rePan African Forum Limited, inoratidza kuti President Mnangagwa vachahwinha musarudzo dzemutungamiriri wenyika nechikamu che70% chevachavhota.
Sangano iri rinoti VaNelson Chamisa veMDC Alliance, vanogona kuwana 24% yemavhoti musarudzo dzemutungamiriri wenyika.

Pan African Forum Limited inoti yakaita ongororo iyi apo yakabvunza vanhu vanosvika 3 110 nezvemavhotero avachaita musarudzo idzi.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×