Scotland youya kuzotamba neZimbabwe A

Abel Ndooka

CHIKWATA checricket cheScotland chichauya munyika muno mwedzi unotevera kuzotamba mitambo mitanhatu yeTwenty20 International Series neyeOne Day International Series nezvikwata zveZimbabwe Academy neZimbabwe A.

Mitambo mitatu yekutanga ichaona Scotland ichisangana neZimbabwe Academy iyo inoti miviri yeTwenty20 International Series nemumwechete weOne Day International Series.

Mitambo yose iyi ichatambirwa kunhandare yeTakashinga Cricket Club.

Ichatambwa mumazuva anoti 19 na22 Kubvumbi uye ichingopera, Scotland ichabva yatanga kubandana neZimbabwe A mumitambo mitatu yeODI iyo yese ichatambirwa kuHarare Sports Club mumazuva anoti 24, 26 na28 Kubvumbi.

Achitaura pamusoro pekuuya kweScotland kuzosangana nezvikwata zvemuno, managing director weZimbabwe Cricket – Givemore Makoni – anoti mutambo uyu uchabatsira zvakanyanya mukusimudzira cricket.

“Mitambo iyi yakakosha sezvo ichawanisa vatambi vedu mukana wekutamba nezvikwata zvepamusoro,” anodaro.

Anoenderera achiti, “Tiri kufara kusangana neScotland nekuti tinovimba kuti mitambo iyi ichabatsira zvikuru pakusimudzwa tarenda revatambi vedu.”

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *