Tinoda kupinda muPSL: Centenary United

Abel Ndooka

CHIKWATA cheCentenary United chiri kutsidza kuti chicharwa semvumba mumwaka wacho wekutanga chichitambira muNorthern Region Division One kuti chigopinda muCastle Premier Soccer League mugore ra2026.

Mwaka mutsva weNorthern Region Division One uchatanga nemusi wa4 Kubvumbi uye Centenary United chimwe chezvikwata zvitsva zvakapinda muligi iri.

Uyu uchange uri mwaka wayo wekutanga kutamba muNorthern Region Division One kubva pakavambwa chikwata ichi.

Sachigaro weCentenary United – Patrick Banda – anoti shuviro yechikwata chavo kuzotamba nhabvu muPremier League gore rinotevera.

“Sechikwata, tiri kushanda zvakasimba kuti mumwaka wedu wekutanga muNorthern Region tigorwa semvumba nekuti isu kwedu kwatinoshuvira chaiko kuenda kuPremier League (PSL) saka tiri kushanda kuti mwaka uno ugofamba nemazvo.

“Tinoziva kuti handinyore saka tiri kushanda zvakasimba kuita gadziriro dzedu. Tinoziva kuti zvikwata zvakawanda zvichange zvichirwa kuti zvigobudirirawo nekudaro tichatokunya totosunga dzisimbe,” anodaro Banda.

Mumwaka wavo wekutanga muDivision One, Centenary United ichange ichirairidzwa naTonderai Bonde.

Chikwata ichi chakaumbwa nevatambi vari kusimukira, vechidiki kunyanya.

Banda anoti vakaronga kupa mukana kune vechidiki sezvo vari ivo vatambi vemangwana.

“Isu tiri kupa vechidiki mukana nekudaro muchaona kuti mwaka uno chikwata chedu chichange chizere nevatambi vechidiki nevamwe vakura vasina mazita anonyanya kuzivikanwa.

Shuviro yedu kubika vatambi vane hunyanzvi vemangwana uye tinoda kuve himwe chezvikwata chichazenge chichizivikanwa nekubika vatambi vepamusoro,” akadaro Banda.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×