Murume atemwa nedombo ndokufa pabhawa

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 28 okuberekwa wekwaMambo Samambwa, kuZhombe akatemwa nedombo rakakandwa nemumwe munhu ndokufa apo aive kunze kwerimwe bhawa reko achinwa doro nemadzisahwira ake.

Izvi zvakaitika panzvimbo yemabhizimisi yeMushange nemusi wa13 Kurume nenguva dza9 manheru.

Akashaika ndiShepherd Mavhangira (28) wemumusha waSabhuku Mahundi kwaMambo Samambwa.

Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Mavhangira ainwa doro ari kunze kwebhawa reMakata panzvimbo yemabhizimisi yeMushange aine shamwari dzake nevamwewo vanhu.

“Pavainwa doro kudaro, kune varume vanosanganisira Kenias Mapfumo, Armstrong Marumahoko, Mathias Tatenda Dhlamini nemumwe asina kuzivikanwa vose vanobva mumusha waSabhuku Mahundi kwaMambo Samambwa kuZhombe vaivawo mukati mevanhu vainwa doro ava. Panguva iyi, varume vana ava vakabva vanhonga zvidhinha nematombo ndokutanga kupotsera kuvanhu vakasiyana nekumativi ose pasina chikonzero chavaipa,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti Mavhangira akatemwa nerimwe rematombo aya achibva angofira panzvimbo pabhawa ipapo.

“Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa eZhombe ZRP avo vakatanga kufeya vachitsvaga varume vana (4) ava nekuda kwemhosva yekuponda iyo vari kupomerwa. Vane ruzivo nekune varume ava, vanokurudzirwa kuzivisa mapurisa ari padyo navo kuitira kuti mhondi idzi dzigone kusungwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Vane mashoko avanoda kuzivisa mapurisa nekuda kwenyaya iyi kana dzimwewo, vanoridza nhare panhamba dzinoti 0542221073 kana 0778 069 322.

“Tinokurudzira kuti vanhu varemekedze upenyu hwevamwe vorega kuisa mutemo muhomwe dzavo. Vanhu kana vakaungana vachinwa, ngavafare nekuwirirana kwete kurwisana,” vanodaro Insp Mahoko.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *