MaChevrons onanga kuBangladesh

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons chichaenda kuBangladesh munaKubvumbi kunotamba nemaTigers ekunyika iyi mumitambo miviri yeTest Match Series.

Mutambo wekutanga uchatambwa kubva nemusi wa20 Kubvumbi kusvika musi wa24 kunhandare yeSylhet International Cricket Stadium kuSylhet.

Nerimwe divi, wechipiri uchatanga musi wa28 Kubvumbi uchizopera musi wa2 Chivabvu uye uchatambirwa kunhandare yeZahur Ahmed Chowdhury kuChattogram.

Muchinyorwa chakabva kuZimbabwe Cricket, managing director wesangano iri – Givemore Makoni – anoti mutambo uyu wakakosha sezvo uchabatsira kuti vatambi vavo vawane ruzivo rwepamusoro-soro rwecricket.

“Tine mufaro kuzivisa nezvemutambo wedu uyo tichaenda kuBangladesh kunotamba Test Match Series. Izvi zvichapa vatambi vedu mukana wekuti vawane ruzivo rwakakosha rwemutambo uyu panguva inenge yakaoma zvinhu.

“Mutambo weTest Match wakakosha pakusimukira kwedu uye tiri kutarisira kunotamba zvinonwisa mvura apo tichasangana nechikwata chepamusoro cheBangladesh,” anodaro Makoni.

MaChevrons akapedzisira kuenda kunotamba kuBangladesh mugore ra2020 apo akatamba mutambo mumwechete weTest Match uyo wakazohwiniwa nemaTigers.

Mutambo wemaChevrons wekuBangladesh unotevera mitambo miviri ichangobva kutambwa nechikwata chenyika ichi yeTest Match apo chakasangana neAfghanistan pamwe neIreland nguva pfupi ichangodarika.

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *