Scottland neDeMbare zvotiburana

Abel Ndooka

CHICHANGE chakabvondoka musi weMugovera uno kuRufaro Stadium muHarare, uko chikwata cheScottland FC chichasangana neDynamos FC mumutambo weCastle Lager Premier Soccer League (PSL) Matchday 27.

Mutambo uyu uri kuuya apo zvikwata zviviri izvi zviri kurwira zvinhu zviviri zvakasiyana.

Scottland FC (Mabviravira), iyo inorairidzwa naTonderai Ndiraya,  iri pakati pekurwisana neSimba Bhora, apo chikwata chimwe nechimwe chazvo chiri kushuvira kuhwinha mukombe wePSL. Kwozoti kune rimwe divi, DeMbare iri kurwira kuti isabude muPSL mwaka uno. Nokudaro, izvi zvichaita kuti mutambo uyu unakidze zvokukunda ngoma kurira.

Svondo rino, zvose zvichange zvichida kuenda nezvibodzwa zvose zvitatu. Pakambosangana zvikwata izvi mwaka uchangotanga, Scottland ndiyo yakaenda nezvibodzwa zvose zvitatu, zvichitevera kuhwinha kwayakaita 1-0 mumutambo uyu, uyo wakatora nzvimbo kuRufaro Stadium.

Kelvin Kaindu

Kubva pamutambo uyu, kuzvikwata zvose izvi kune shanduko huru yakaitika. Scottland yakatenga vamwe vatambi vakawada, vanosanganisira aimbove kaputeni wechikwata chenyika Knowledge Musona.

Musona akatengwa nguva pfupi yadarika, achibva kuSaudi Arabia.

Touya kuDeMbare, chikwata ichi chakashandura varairidzi katatu. Mwaka uchitanga, Dynamos yairairidzwa naLloyd Chigowe, uyo akazodzingwa, ndokutsiviwa naSaul Chaminuka.

Chaminuka akadzingwa zvakare sezvo akatadza kusimudza chikwata ichi, ndokutsiviwa naKelvin Kaindu, uyo akatarisana nebasa rakaomarara rekurwira kuponesa chikwata ichi.

Mune imwe mitambo iriko svondo rino, shasha yePSL, Simba Bhora, iri kunanga kuGreenFuel Arena, kuChisumbanje, uko ichanosangana neBoys Dzenharo, GreenFuel FC, musi weMugovera.

Mitambo mizhinji yeSimba Bhora neGreenFuel inowanzopera ari mangange.

Mwaka wadarika, zvikwata izvi pazvakasangana, mitambo yose yakapera ari mangange 1-1. Kwozoti pazvakatamba zvose kuWadzanayi Stadium, kuShamva, mwaka uno, mutambo wacho wakapera ari mangange 0-0.

Musi weMugovera zvakare kuchange kuine mutambo wePlatinum Derby, apo vaimbove shasha dzePSL Ngezi Platinum Stars vachasangana neFC Platinum, avo vaimbovewo shasha dzePSL.

Zvikwata zviviri izvi zvichasangana kuBaobab Stadium uye mutambo uyu unotarisirwa kunge uchinakidza zvikuru.

Mumitambo miviri yadarika yakatambwa nezvikwata izvi, yose yakapera ari mangange 0-0, saka svondo rino zvose zvichange zvichitoda kuhwinha nechinangwa chokuti zvigosimuka palogo yePSL.

Chikwata cheMWOS FC chichange chiri pamusha pacho kuNgoni Stadium, kuNorton, musi weMugovera, apo chichasangana necheChicken Inn, maGamecocks; kuchiti CAPS United ichange iri kuRufaro Stadium musi weSvondo, apo ichasangana neZPC Kariba.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *