Seed Co yodzidzisa varimi vemuriwo

Godfree Magavu
RAKANGE riri zuva rezvidzidzo kuvarimi musi wa2 Chikunguru kumadiridziro ePanganai Irrigation Scheme, kwa Mambo Nhema, kuZaka.

Varimi vakange vakawanda vachisanganisira vePanganai Irrigation Scheme pamwe nevamwewo vasiri vemadiridziro vakange vachida kuzogoka mazano.

Chirongwa chezvidzidzo ichi chakarongwa nekambani inouchika mbeu, yeSeed Co yakabatana nebazi reAgritex. Mamwe mapazi anotsigira basa rezvekurima akaita seCARE Ensure, Food and Agricultural Organisation (FAO), agro-dealers pamwe nevarimisi vemunharaunda iyi vakange varipowo pakusimimwa kwemhando dzemiriwo yakasiyana-siyana.

VaPfuwai pamwe naVaMusakanda sevarimisi veSeed Co (agronomists) vaivapowo pazvidzidzo izvi pamwe nekuratidzira madyarirwo akanaka emiriwo (planting demo).

Varimi vakawana mukana wakazara wokubvunza mibvunzo yavaida sezvo nyanzvi dzezvokurima (vanaKORODODO) vainge vakaisa misoro pamwe chete, vakadzidza zvikuru maererano nekuparadzaniswa kwemitsara (inter-row spacing) pamwe nekuparadzaniswa kwemadzinde emiriwo (in-row spacing) zvinova zvinoita kuti mbeu dzisazorwira chikafu kubva muvhu (nutrients), mhepo yekufema pamwe nemushana.

Varimi vakadzidza mhando dzefetireza yepasi pamwe neyepamusoro yakakodzera kumurivo yavakadyara uye nguva yakakosha yekuisa mafetireza aya nezvipimo zvacho zvakafanira zvekare nemishonga yetumbuyu pamwe neyezvirwere inoshandiswa nenguva dzakakodzera dzekufirita.

Mhando dzemiriwo dzakadyarwa ndedzinoti   1. Brocolli – Montop variety inova yakadyarwa nefetireza yepasi Compound C pachishandiswa chipimo checup size number 22.

  1. Cauliflower – Space star variety
  2. Tomatoes – Daisy variety
  3. Rape – Rampart variety inova mbeu yeRape inoratidza kufarirwa nevarimi vazhinji panhau yekuita mashizha mahombe uye kutora nguva refu iri mumunda murimi achingoisa mari muhomwe dzake.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *