Magariro aVaShona

Munyaradzi Gunduza

  1. UCHISHANDISA nhetembo shanu kubva munhetembo dzokurova bembera nedzejikinyira kana mavingu, tsanangura zvaishungurudza VaShona mumagariro avo. [25]

Tinopfuurira mberi nekupedzisa mhinduro yemubvunzo uyo watakatanga svondo rapera pamberi.

Kuparadza kwemakuhwa – mudetembo Amai vomwana batai mwoyo panonzi,

“Ndakakuudza kuti shamwari zhinji dzinoparadza,” nepanonzi, “Guhwa rinoparadza nzanga,” uye panonzi,

“Chingururu akauraya Chaminuka

Napamusana pamakuhwa.”

Unyope/usimbe – mudetembo rinonzi, Unyopi chirwere panonzi,

“Mazuva okugaropimirwa akapera,

Shanda ugodyewo zvamaoko ako,” nepamwe panonzi,

“Iwe shandawo urege kuposhwa navamwe sehangaiwa,” uye panonzi,

“Nyopi yehama ishumba inorura

Kugara nenyopi kugara namatambudziko.”

Rushusho rwavanavamwene kuvaroora vavo – mudetembo, Nhuna dzomuroora, nokuti madzimwene haana ndagona.

Muroora akashanya kwavamwene anonzi kuvinga kudya, akasavamaira onzizve anovasema, panonzi,

“Ndiende kumba kwavo u-uri,

Zvonzi, kuvinga zvokudya,

Ndikaregazve kundovamaira,

Zvonzi muroora anondisema” nepamwe panonzi,

“Handina chandinovapa vakatenda,” uye pamwe panonzi,

“Meso avo anozara ropa kana vachindiona,” kureva kuti vamwene vanotoda kuuraya muroora wavo kuti zvivabve.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *