Seed Co yosusukidza Zunde raMambo

Rabson Musimudziwa naTorai Mutseka

KWAKANGA kusingadanwi anonzwa nemusi weMugovera 19 Gumiguru paSt. Johns Chizura apo vanhu vakaungana pabira remadzimambo, reZunde raMambo.

Musi uyu kambani huru pakuuchika nekutengesa mbeu dzemhando yepamusoro, yeSeed Co yakapa madzimambo anosvika makumi maviri nevatanhatu mbeu yechibage kususukidza chirongwa ichi.

Mambo mumwe nomumwe akawaniswa 10kg yembeu yemhando yeMbizi inonzi SC529 iyo inova inopa goho guru ringasvika matani gumi nematatu kana yarimwa zvakanaka. Mukuru wemadzimambo kudunhu iri, Mambo Senator Nembire vakatenda kambani yeSeed Co nechipo chembeu inoenderana nematunhu emuMashonaland Central. Vanoti izvi zvichabatsira chaizvo nherera neshirikadzi dzinotambudzika kuwana chikafu.

Vanoenderera mberi vachiti makarekare vaenzi vaiwana kudya kubva muZunde raMambo saka kutsigirwa kwechirongwa ichi kunopa mufaro mukuru kumadzishe nevanhu vemunharaunda.

Varimisi vekuSeed Co vakatsanangurira madzimambo neveruzhinji kukosha kwekusarudza mbeu sezvo mwaka yava kuita mipfupi. Vanoti mbeu dzeSeed Co rudzi rwemahybrids ayo anopa goho riri pamusoro uye dzakapfekedzwa kushinga pazvirwere izvo zvinoita kuti murimi achengetedze mari nokusatenga mishonga.

Pamusoro pezvo, inotivirira muzuva. Vakati SC529 inogona kupa goho rinosvika matani gumi nematatu kana pakatevedzerwa zviga zvokurima kwemandiriri.

VaMutseka vakazotaurira madzimambo kuti tswanda yeSeed Co yava nemuriwo. Vakakurudzira kuti murimi woga-woga arime kana muhomba zvawo wemuriwo werepu inonzi Rampart iyo inouchikwa neSeed Co.

Vakaenderera mberi vachiudza vanhu nezvemakabichi anosanganisa Fabiola iyo inotora mazuva makumi matanhatu nemashanu kuti iibve, Delight inoita mazuva makumi manomwe nemashnu uye Macanta inoita munguva yeZhizha.

Muenzi anoremekedzwa vaiva, Brigadier General Mhonda avo vakafadzwa chaizvo neruoko rweSeed Co pakusimudzira chirongwa cheZunde raMambo. Vanoti kubva pasichigare, Zunde raMambo raiwanisa chikafu kune vanotambura uye rubatsiro rweSeed Co kumadzimambo rwunounza kudya patafura zvounza mufaro norugare munyika.

Vanoenderera mberi vachiti Zunde raMambo ndiro rakazounza pfungwa yokuti kuve neGMB iyo yava kubata nyika yose kwete nharaunda yamambo yoga.

Bira iri rakaunganidza vanhu vaipfuura chiuru nemazana mashanu avo vakaona mitambo yepasichigare yakaita seJerusarema uye Mbende iyo yaitambwa zveunyanzvi nevadzidzi.

Boka rakabva kwaMasembura rakafadzawo vanhu neJerusarema. Muimbi wechidiki anonzi Tapiwa anobva munzvimbo yekwaNohwedza akatandadzawo vanhu pamutambo uyu nemusambo weZim dancehall.

Kana vatori venhau vaivapowo pabira iri.

Yakazoti yasvika nguva kukutambidzwa zvipo madzimambo ose anosanganisa VaBepura, VaMakuni, Rusambo, Negomo, Dotito, Chapoto nevamwe vakanomira pambeu yavo yeSeed Co vachitambidzwa nemukokwa mukuru Brigadier General Mhonda.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×