Sei usiri kufa nhaiwe?

Nyasha Bvudzijena

Murume harahwa anoti ashaiswa rugare nemuvakidzani wake uyo ari kumupumha huroyi achiti sei isiri kufa sezvo vamwe vezera rake vakapera kufa.

Nicholas Gumbo akam- han’arira Christine Kamudzimu kuHarare Civil Court achiti ane tsika yekutumira vanhu kuti vamutyisidzire uye vamwe vacho vanotumira mashoko panhare yake vachimutuka.

Mutongi Gladis Moyo akapa Gumbo gwaro rinomuchenget- edza. “Musikana uyu anondi- tukira kushaya mazino kwangu, handizive kuti kuchembera imhosva here yekubva watonzi uri muroyi nekuti hausi kufa.

“Zviri kundirwadza zvisin- gaite zvekuti handichakwanisa kuenda kana kusvondo kwan- dinopinda nekuti handichazive kuti vanhu vanofungei kana vachindiona,” anodaro Gumbo.

Anoti Kamudzimu ari kuedza

nepose paanogona kusvibisa zita rake sezvo vamwe vanhu vemunharaunda vave kutotenda kumashoko aari kushambadza pamusoro pake.

“Pekutanga ndakambofunga kuti kuda akadhakwa, asi katove

katatu achishevedzera mashoko asina kunaka pose pandinop- fuura nenzira iri pedyo nepamba pavo,” anodaro.

Kamudzimu haana kuenda kudare kunopawo divi rake panyaya iyi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×