Sekai abira Mugadzi kiyi

CHITSAUKO 9 (Ongororo: Enderero mberi):

Kudimikira nekushandiswa kweenzaniso kunoda kunoenderana. Kudimikira kwokutanga kunoratidza chinhanho chakasvikwa nevarume vakawanda vakweviwa nemafambiro aiita Fadza apo akabuda maitengeserwa nyama. Zvinodimikirwa zvichinzi varume “vane mazimwoyo akarembera” (110) vakaramba vakayewa mafambiro aaiita. Mazwi anotaurwa anoratidza kutsvinya kwakakura imba yaMugadzi apo zvinonzi, “Tombonoona kuti kuri kutodii kumatongo avaRozvi atakasiya achida kudhirika” (111).

Panotaurwa nezvevana vaSekai, iye anoti imhosva yake here, ainge akarambwa. Haaigona kugara nemunhu ainge asingamubati zvakanaka izvo anoti kuna Mai Chipunza vaida kuti apfugamire munhu aivabata “neruoko rweruboshwe” (112).

Mai Chipunza vainge vachitaura zvinoita kuti pave neruvengo pakati paSekai naLily izvo zvinonzi “vaive vodyara imwe mhodzi yoruvengo zvino” (112).

Vanoenderera mberi nemusambo uyu izvo zvinonzi nemunyori, “Uku kwaive kukuchidzira huni nyoro” (113). Enzaniso tinodziona dzichishandiswa, dzimwe nguva pachitoshandiswa dzokororo yeenzaniso sezvinoitwa yekuti Sekai aitarisa zvainge zviri mumba maMugadzi uyewo nezvaaitsvaga apo ainge achirongedza mbatya dzake. Papeji 115 tinonzwa kuti aiita izvi “kunge rwaivhi” tozonzwazve achimhanyisa maziso neimba yose “kunge rwaivhi” (117).

Sekai naFadza vanoronga zvekuenda nemusi weMugovera kunotora mbatya dzaSekai, Fadza achiyeuchidza Sekai nezvezano ravo riya nekuti vakaregedza kuritevera kungava kujaidza Mugadzi uyo angazozviona “segamba” (108).

Pavanenge vachikurukura nedzezvikomba zvavo, havadi kuti varume ava vavabate “senge vanhu vavakaroora” (109). Fadza aiziva nyaya dzevanhurume zvekuti varume vaiti pitiri pitiri kumhanyira paari “kunge nyuchi dziri pamukoko” (110).

Kuzoti vava kugadzirira kuenda kwaMugadzi, vanhukadzi ava vanozviponora nekuzvichenesa, iwo mafuta anonhuhwiria vachiita ekukusha pamuviri yavo “sekunge achapera musi uyu” (111). Mai Chipunza vanopa mufananidzo wokuti vana ava vari kungoswerombeya nemadziro “kunge mai vakafa kare” (112).

Iyewo Sekai wacho anoti haaigona kuramba achigara naMugadzi nekuti murume uyu ainge asingamubati zvakanaka achimubata “kunge pepa remuchimbudzi” (112) uyewo ainge asingadi kudzoka paaizodzingwa “sembwa” (113).

CHITSAUKO 10 (Nyaya yacho):

Mugadzi anosvikotsveta Fadza naSekai kuZengeza ndokudzoka asina kana kupinda mumba kuti zviratidzike kuti ainge asisinei naSekai izvo zvinofadza Fadza. Anotya kuti zvikomba zvavo zvaigona kupinda achirimo mumba zvinhu zvikanetsa.

Fadza anotanga kupopotera Sekai achimuti ainge ava kuchemera murume. Sekai anopindura achiti vainge vasina kuona zvaiita vana vake here?

Vava kunwa hwahwa Fadza anomubvunza kana zvavainge varonga ainge azviita, iye ndokuti atowana kiyi yepasefa nekudaro zano ravo harichanetsi kubudirira. Fadza anofadzwa nazvo achiti change chasara matorero chete izvo vanofanira kukurumidza kuzviita.

Sekai anobvunza kuti vana Roddy sevanhu vane mari yakawanda vangabvuma kunotora mari here iye ndokuti havangarambi, kana vakavaona sevanotsika-tsika vanovasiya vakadaro sezvo ane shamwari dzakawanda.

Kuti varume ava vadyire Sekai anopa pfungwa yekuti vovaudza kuti kune mari yakawanda, kana kuroorana vanobva vavaudza kuti zvinoita.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×