Mumba maMarozva hamuna chakanaka

“BEDZAPFUMA” naPeldah Hove (37-42)

NYAYA YACHO (Enderero mberi):

Nepamusaka pekuita kwemurume wake, mukadzi afunga zvekusiyana nemurume kunyangwe murume akaedza kunyengetedza zvakadini, mudzimai anoti nguva ino zvakwana, hapana chaachayamura nacho. Dai aida kuti vayamurane angadai akachera kakomba kare akasvipiramo, kuti haachazozviiti zvakare.

Mukadzi akabvira kare achiregerera murume ndokuona kuti kutomutunhidza ndokubva adonongodza zvakamboitika kare, dziri mhosva dzinokwana kuita nhanhatu pamwe nekutamba nevakadzi vevanhu. Iye zvino azoikoromora hombe, munhu waSubstantive Head kuitisa nhumbu mwana wegiredhi 7, mwana waSambiri CIO ainzi Torai.

Iye muzvinamimba apo Fungai aidurunhura nhunha dzake kune murume wake, ainge ari chinhambwe, muimba yaVaTunyere, amai vaMarozva uko Fungai aive amusairira kuti vatakure mutoro wemwana wavo. Vainge vangoti tuzu kutarisa zvainge zvaitwa nemwana wavo.

Uku kumba kwaMarozva hakuna chakanaka. Marozva anoti afunga zvekutengesa mombe dzakabviswa pakaroorwa Shupikai aone kudzimura nyaya iyi, kana zvadai ndipo paanozotora chikwereti kuAFC otsiva mombe idzi.

Mudzimai anozviramba achiti akangozviita chete anobva azvisunga. Marozva anoona kuti hapana chake, ndokufunga zvekuenda kuChizvarira kuna tete Semari nemukoma wake Pito mumhiri maSihande, pamwe vangamubatsira kuti Fungai mudzimai wake asatuta twake pamwepo nekuti nhau yemombe ifambe.

ONGORORO:

Zvechokwadi musoro wekanyaya aka “Bedzapfuma” unoenderana nenyaya yacho. Marozva aive nhinhi munyaya dzevanhukadzi. Apara mhosva aiita basa rokushandisa upfumi kuti awane kuripa mhosva dzake. Zvinotaurwa nemudzimai wake zvinonyatsa kutijekesera kuita uku.

Anoti, “Kana uine shavi rebedzapfuma” nhasi ucharipira nomusoro wako . . . Yako pfuma wakapedza. Yangu wakapedza. Nhasi yemwana kuti kudiniko?” (42).

Mudzimai uyu nemurume wake vane basa rakanaka rehurairidzi asi ukatarisa upenyu hwavo vanenge vanhu vanotambura. Tikanzwa mudzimai achiti, “. . . pabasa ndinongopwitaira nemivharadhongi. Mumba ndinorara pachingoro chisina nemunyepfu wose, muviri uchimarwa nemagumbeze asingazivi chiwariro pasi. Zvigaro zvomuno mumba angove mariva okuti ukangowiramo utosiyamo mateme, dzangove simbi dzakachenama kunge mazino echikirimbani. Poto dzave zvimhini zvine mibato yakagurwa nemoto. Mudanga makashama, chirugwi takavesa . . .” (37-38).

Tinobva tanyatsa kuona kuti upenyu hwavaigara hwainge husingakodzerani nemabasa avo vari vaviri.

Enzaniso dzinoshanda zvebasa zviya, zvekuti tinobva tanyatsa kuona kugumbuka kwaFungai nekuve nemhosva kwemurume wake. Tichingotanga kuverenga nyaya iyi tinobva taona kuti mukadzi uyu haasi kubatwa zvakanaka paanoti, “Iwe wave kutonditora kuve chinhu chako chawakazviumbira nedhaka” (37) mukadzi akadzvutura ziso “kunge retsuro”.

Murume wake anozviita “kunge jaya zvaro” mari yaanohora ichingokushwa “semhodzi dzesora” (37). Mumba mavo zvigaro zvacho dzangove simbi dzakachenama “kunge mazino echikirimbani’ (38).

Basa ravo rinovapa mari asi vanoita zvekufura sora “somhene” (38). Kusimuka kunoita mukadzi anoita “kunge aida kubuda panze” (38).

Achipopoterwa kudai, miromo yemurume inongofenyuka “kunge makoko esadza mbwezhu” (38) wanikei dikita richisinira “serechidhakwa chaziinurwa nechisokwe” (38) rume guru ndokuonekwa rodonha madzihwa “sepwere” (39).

Ndiye murume uya aimboti akapa murairidzi zita pabasa ainyeta-nyeta “somwenga abatwa achinyurura gapu navatezvara” (39) asi iye zvino zvinhu zvainge zvovavira, musha wobaya-baya “sehundi yemhunga” (39).

(Enderero mberi svondo rinotevera.)

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×