Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 6 (Nyaya yacho):
Sekai anonetsekana kwazvo kubvisa dhirezi raive rakapfekwa naLily kwava kumuisa pamubhedha kunge munhu akarara. Apedza izvi, anobva atanga kuita basa chinyararire vana ndokubva vasvika kubva kuchikoro asi kukwazisana kwavanoita kunoratidza kuti pane zviri kunetsa amai vavo. Vana vanozoona amai vachichema ivo kwava kuchemawo.
Mugadzi anobva asvika ndokuwana imba yose ichingova misodzi amai nevana, kudobvunza asi hapana mhinduro yaanowana. Paanopinda mumba yekurara anowana Lily akakotsira zvake, kuzoti tarisei kumeso ndokuona haikona, kuzvimba ikoko. Anoedza kumumutsa asi hapana anodavira munhu ndiye kumhanya kunoridza runhare kumapurisa nekuchipatara.
Panosvika mapurisa anosvikobvunza Mugadzi kuti chii chainge chaitika iye ndokupindura achiti paasvika mumba awana madzimai nevana vachichema asi havana kumupindura. Paazopinda muimba yekurara ndipo apo awana mukadzi wake mudiki arere kumeso kwakazvimba.
Paaedza kumumutsa haana kana kumbopfakanyika. Izvi zvamuvhundutsa ndokubva arovera mapurisa runhare, saka ngavapinde mumba vazvionere.
Mapurisa anopinda mumba ndokuonawo sekutsanangurwa kwazvainge zvaitwa naMugadzi motokari yokutakura varwere ndokubva yasvika. Sekai anochibvunzwa kuti atsanangure zvainge zvatora nzvimbo iye ndokuti paasvika mumba kwava kubvunzawo mainini kuti vainge vabikira vana vechikoro here, mainini ava vakabva vamhanyira vakabata banga rechingwa kwava kumucheka chigunwe icho anoratidza mapurisa.
Abva ashatirwa ndokubva vatanga kurwa mainini vachibva vabvarura dhirezi ravanga vakapfeka, ndipo pavasundidzira vakarovera kumadziro asi haana kuvatevera, abva anogeza chigunwe chake, ivo kwava kusimuka kuenda mumba yekurara. Zuva rovira ndipo paaedza kuvamutsa achiti zvapera ngavataurirane ndokubva aona vasingachafe . . . muromo waanotadza kupedzisa nekuti ava kuridza mhere.
Mugadzi anonzwa kushatirwa chaizvo zvekuti anobva ada kunhamukire Sekai asi mupurisa vanomubata murume achingopaumba kuti vamuregedze achiti zvino anonotaura sei kuvabereki vaLily kuti aurawa naSekai.
Sekai anobva atorwa nemapurisa kwava kuendwa naye, Mugadzi ndokubva ananga kuchipatara kuGomo uko anoudzwa kuti haana kumbounzwa ikoko. Anozomuwana kuchipatara cheParirenyatwa uko anoudzwa kuti mwana aive mudumbu ainge akanganiswa nekurohwa kwainge kwaitwa amai vacho. Adzoka kumba achiona mufananidzo waakambenge atorwa naSekai vachiri jaya nemhandara, Sekai wacho ndokubva abvisa mufananidzo uyu mufuremu mawainge wakachengetedzwa kwava kubvarura.
Kurara kunoti netsei ndokutanga kufunga nezvaainge ataurirwa natete vake pamusoro pebarika. Mumoyo make ari kungotyira kuti mwana wevaridzi aigona kungofa chero zvazvo vanamukoti vainge vati kwaingova kufenda nekuda kwekurasikirwa neropa rakawanda kwaaive aita.
Kekutanga muupenyu hwake, Mugadzi anofunga zvekunamata Mwari. Apedza kudai, munhu anorerukirwa kwava kubatwa nehope dzakazopera kunze kwava kutochena. Mangwana acho anomukira pane runhare kuti anzwe kuti Lily ainge arara sei.
(Enderero mberi svondo rinouya)




