Mufundisi aomerwa

Cassius Mushore
MUFUNDISI wekukundikana kubhadhara mendenenzi akachema-chema mudare achikumbira kuti achirega zvachose kubvisa mari iyi sezvo asisashande uye ave murwere.

Herbert Mushambi akakumbira mutongi wedare reHarare Civil Court Audrey Tarugarira kuti mari yemendenenzi yaari kubvisira mukadzi wake Loice Mushambi ichimiswa achiti zvinhu zvamuomera.

“Ndauya kuno ndichikumbirawo kuti dare richivharisa mari yemendenenzi yose iri $145 ndisawane chandinonzi ndibhadhare. Chikonzero chacho ndechekuti ndakadzingwa basa naizvozvo handisisina kana rimwe basa randichakwanisa kuwana.

“Nemakore angu aya kuti nditsvage basa ndinoriwanepi zvekuti ndibhadhare mari yainge yakatarwa munguva yandaienda kubasa?” akadaro Herbert.

Akati mukadzi wake akamuudza nezvehurwere hwake pamwe nekumuratidza matsamba ekumiswa basa kwaakaitwa asi anoramba kuenda kunogara kumusha achida upenyu hwemudhorobha.

“Rimwe dambudziko randishungurudza raita kuti ndikumbire kuti mari ichirega kubatwa nderekuti ndiri kuchengeta vana vemukoma wangu akashaya.

‘‘Nditori mupfumvu yakaoma chaiyo handina mari yekuti ndingakwanise kuzozvibatanidza zvose,” akadaro.

Loice akaudza dare kuti mari yemendenenzi inofanira kuramba ichibatwa achiti kunyangwe Herbert akamiswa basa uye ari murwere, ari kutungamirira imwe kereke iri muzita rake uko anowana mari yakawanda.

Asi Herbert akapokana nemashoko aya achiti haawane mari yakawanda kuchechi iyi.

Mutongi Audrey Tarugarira akati nyaya iyi yaizodzoka zvakare mudare.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *