Shamuyarira Library yakaparurwa

VADZIDZI pamwe neveruzhinji vanotarisirwa kubatsirika zvikuru munyaya dzekuvandudza dzidzo yavo kuburikidza nekuverenga mabhuku akasiyana zvichitevera kuparurwa kwenzvimbo yekuverengera yeNathan Shamuyarira Library and Documentation Centre muHarare nguva pfupi yadarika.

Dr Shamuyarira vakange vari nhengo yePolitburo mubato reZANU-PF uye vakafa musi waChikumu 4 gore rapera ndokuvigwa pamarinda emagamba eNational Heroes Acre.

Vachitaura pakuparurwa kwenzvimbo yekuverengera iyi, sachigaro wechirongwa ichi, VaLovemore Chihota, vakati chishuwo chavo kuti veruzhinji varambe vachirangarira mabasa aDr Shamuyarira, zvikuru mukusimudzira dzidzo muZimbabwe.

“Zvakakosha kuti vechidiki vazive mabasa akaitwa nevakarwira rusununguko rweZimabwe. Dr Shamuyarira vaisimudzira dzidzo yemunyika.

“Donzvo reimba ino ndere kupa mukana kune vechidiki kuti vavandudze dzidzo yavo kuburikidza nekuverenga,” vakadaro VaChihota.

“Tinokurudzira zvizvarwa zvemuno kuti zvichengetedze zvinyorwa, kunyangwe mifananidzo, iyo inoratidza kunaka kwenyika yedu pamwe nenhorowondo yehondo yerusununguko.”

Vanoti vane hurongwa hwekuratidza veruzhinji mabhaisikopu anovadzidzisa pamusoro pehondo yerusununguko rweZimbabwe.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Father Fidelis Mukonori, avo vanova Executive Director of the Centre for Peace Initiatives in Africa, vakati zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachisimudzira mabasa akasiiwa naDr Shamuyarira.

“Tinofanirwa kuramba tichisimudizra mabasa akasiiwa naDr Shamuyarira, naizvozvo ngatichengetedzei nekuumbiridza zvatakasiirwa,” vakadaro.

 

Related Posts

Mukadzi (19) abara mapatya ndokuapisa

Raymond Jaravaza MUKADZI ane makore 19 okuberekwa wekuMakokoba, kuBulawayo akasungwa nemhosva yekupisa vana mapatya avo vaaive achangobva kubara uye ndokuzonovakanda kunzvimbo inorasirwa marara. Akazivikanwa saPraise Chibwanda. Mitumbi yemapatya aya yakawanikwa…

Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×