‘Zivai marimirwo kwawo efodya’

VARIMI vefodya vakakurudzirwa kuti vave neruzivo rwakakwana rwemarimirwo echirimwa ichi kubvira pakudyara mbeu muminda kusvikira pakukohwa nedonzvo rekuti vasimudzire goho ravo mwaka unotevera.

Kurudziro iyi yakaitwa nemukushi wemashoko kusangano reTobacco Industry and Marketing Board, VaIshemunyoro Moyo, zvichitevera kudzikira kwaive kwakaita mitengo yefodya mwaka wadarika iyo yakawanda yacho yainzi yaive yemhando yepasi.

“Varimi vanofanira kuve nedzidziso kwayo yekurima kune pundutso nekuti ndizvo zvinoita kuti vabudise fodya yemhando yepamusoro inoita kuti vatengi vange vachibhadhara mari yakawanda. Vanofanira kuve neruzivo zvikuru panyaya dzekugona kuchengetedza nguva yekutanga kudyara, kuisa fetereza nemishonga. Kukohwa fodya nekukasika kunoita kuti irambe yakasvibirira asi kunonoka kuikohwa kuchikanganisa goho,” vakadaro.

VaMoyo vanoti kupiswa kwedonje kunofanira kuitwa zvakanaka kuitira kuti hunyoro hwayo hunge kuchibviswa zvakaenzanirana.

“Goho refodya rinofanira kusarudzwa zvakanaka kuitira kuti yemhando yepasi isasangane neyepamusoro kana kuti iya yepakati nepakati. Kana varimi vasina ruzivo nekusarudzwa kunoitwa fodya vanofanirwa kubvunza nyanzvi dzezvekurima kuti vabatsirwe pane kuti vangotakura musanganiswa wefodya vachienda nawo kumisika. Ndizvo zvimwe zvezvinhu zvinoita kuti varasikirwe nemari,” vakadaro.

VaMoyo vanoti sangano reTIMB riri kubatsira varimi kumativi mana enyika marimirwo akanaka efodya.

“TIMB iri kudzidzisa varimi kubvira pakugadzirwa kwemibhedha yembesa kusvika pakushambadzwa kwezvirimwa zvavo zvichienda kuvatengi.

“Tiri kushandisa zvakare ruzivo rwechizvino-zvino rwekutumira mashoko edzidziso kuvarimi kuburikidza nenharembozha,” vakadaro.

Zvakadaro, fodya yakatengeswa mwaka wadarika aive makgs 195,7 miriyoni achikosha US$576,9 miriyoni kana zvichienzaniswa nemakg 212,7 miriyoni aikoshawo $679,7 miriyoni mugore rapera.

Mitengo yefodya yaive yakadzika zvikuru mwaka wadarika zvakaona pakutanga imwe yacho ichitengeswa neUS0,30c pakg kana kudzika kudarika apa.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *