Shandisai madiridziro nemazvo: Marapira

VaDavis Marapira
VaDavis Marapira

HURUMENDE inoti iri kushushikana zvikuru nekuda kwemimwe midziyo yemadiridziro isiri kushandiswa kwemakore akawanda izvo zviri kudzorera kumashure mabasa ekurima. Vachitaura nevarimi pakuparurwa kwechirongwa chekuuchika mbeu yechibage nekugadzira mishonga yezvirimwa kuMazowe nguva yadarika, mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro – VaDavis Marapira – vanoti mimwe midziyo yemadiridziro kumapurovhinzi akaita seMashonaland Central neMashonaland West haisi kushandiswa zvachose.

Pasi pechirongwa ichi, Hurumende iri kutsigira makambani maviri anoti Zadzamatura-Dekalb Maize Seed neMonsanto Agro-Chemical Products mukuuchika mbeu yechibage nekugadzira mishonga yezvirimwa.

“Kune madhamu ane mvura akawanda asi midziyo yemadiridziro iri mumatunhu aya – Mashonaland Central neMashonaland West – haisi kushandiswa uye mimwe yacho yakafa. Izvi zvinoderedza upfumi hwenyika zvikuru munguva ino yekusanduka kwemamiriro ekunze,” vanodaro.

Cde Marapira vanoti vamwe vashandi vebazi ravo havana kunge vavazivisa pamusoro pemichina isiri kushanda iyo inoda kugadzirwa.

“Kune vamwe vashandi vasiri kuita basa nemazvo. Havasi kuunza magwaro ezvinhu zviri kuitika mumimda izvo zvave kuita kuti ini nditozoona dambudziko ndapinda mumatunhu,” vanodaro.

Vanoti vachaita hurukuro nebazi rinoona nezvehomwe yenyika kuti rivawanise mari yekugadzirisa matambudziko aya.

“Vamwewo ndivo vaiti midziyo yemadiridziro iyi yave nenguva ndefu isingashande nekuti havasi kuwaniswa mari kubva kuvabati vehomwe kuti vatenge zvinodiwa mukugadzirira pombi idzi. Saka ndichaedza napose pandinogona kuti titaure nevabati vemari kuti vatipe mari yakawanda nekuti mune dzimwe nzvimbo atove makore masere chaiwo madiridziro asingashande,” vanodaro.

Cde Marapira vanokurudzira varimi kuti vazivise vashandi vemubazi ravo pose pavanenge vaona kuti midziyo iyi haisi kushanda munzvimbo dzavari.

“Ndinokurudzira varimi kuti kana muchinge maona kuti kune michina yemadiridziro isiri kushanda mutizivise kuti matambudziko iwayo agadziriswe nenguva,” vanodaro.

Cde Marapira vanotiwo varimi vanofanira kurima zvirimwa zvakasiyana, zvikuru izvo zvinotirira muzuva zvichikasika kukura.

“Takatarisa nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze atiri kutarisana nawo senyika, tiri kukurudzira varimi kuti vadyare zvirimwa zvakasiyana zvinotirira muzuva,” vanodaro.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×