Lungile Tshuma naDumani Moyo
PANE nyoka dzerudzi rweshato dzaidarika 40 dzinonzi dzakasiya dzaraswa pamhararano (panosangana nzira) pedyo nemusha waSabhuku Nsindi, kuGwanda asi dzimwe dzacho dzinosvika 20 ndokuzouraiwa nevanhu. Panotova nevanhu vanodarika 12 vemumusha uyu vangangonopika jeri kwemakore mapfumbamwe pamumwe wavo zvichitevera mhosva yavari kupomerwa yekuuraya shato dzisati dzazivikanwa kuti dzakaraswa nani idzi.
Izvi zvinotevera imwezve nyaya yakabuda muKwayedza svondo rapera, yeshato dzaidarika 30 idzo dzakaonekwa pamusoro perimwe guva kwaZimofu, kuZaka kuMasvingo.
Munyaya yeshato dzekuGwanda, vagari venzvimbo iyi vakaona chiitiko ichi vanoti shato idzi dzaive nehurefu hunodarika mita uye padzakaonekwa paiva nesaga rinoratidza kuti ndimo madzainge dzakaiswa nemunhu akadzisiyapo.
Pashato 40 idzi, 20 dzakauraiwa nevamwe vagari venzvimbo iyi dzimwe dzacho ndokungonyakarika.
Vatori venhau pavakashanyira nzvimbo iyi vakangokwanisa kuona matombo akashandiswa mukuuraya nyoka 20 idzi chete.
Mukushi wemashoko kubazi reParks and Wildlife Management Authority, Caroline Washaya-Moyo, akatsinhira nezvechiitiko ichi akati vakatambira mashoko ekuuraiwa kweshato idzi uye vapari vemhosva vanogona kusungwa.
“Tiri kutumidzira chikwata chichaenda kuGwanda kunoita ongororo kuitira kuti vapari vemhosva vasungwe. Veruzhinji vanofanira kuziva kuti kana vachinge vaona mhuka vanofanira kuzivisa mapurisa ari pedyo kana kunyanzvi dzinoona nezvemhuka. Havafaniri kuisa mutemo mumawoko avo nekuti vanogona kuzviisa panyatwa yekukuvadzwa,” akadaro.
“Shato dzinofanira kuchengetedzwa nekuda kwetsika nemagariro edu anoti dzinodyidzana nekunaya kwemvura. Saka dzinoreva maguta sezvinongoitawo matatya nokudaro imhosva huru zvekuti munhu anogona kunogara mujeri kwemakore mapfumbamwe pasina mukana wekubhadhariswa faindi.”
Sabhuku wekwaNsindi, VaCain Dube, vanoti vakashamisika mushure mekuziviswa nenhume dzavo kuti kwakange kune shato dzakange dzarasirwa pedyo nemusha wavo.
“Ndakatonzwawo nezvenyoka dzinoshamisa idzi pandakange ndiri kudhorobha reGwanda. Munhu wese akange achingotaura nezvadzo uye mumwe mupurisa wemunharaunda mangu, Christopher Dube, akanditaurira kuti akange aona shato 20 dzakange dzakauraiwa pamhararano yenzira,” vakadaro Sabhuku Dube.
“Vamwe vanhu vemudunhu mangu vakauyawo vachiti shato idzi dzaidarika 40 dzaive dzakarasirwa pedyo nemugwagwa. Vaiti paiva nesaga pedyo nemugwagwa iro tinofungira kuti rakange rine nyoka. Asi zvinotishamisa ndezvekuti patakaendako hatina kuona nyoka kana imwe chete kusanganisira dzainzi dzakauraiwa dzacho. Izvi zvinoreva kuti dzinogona kudaro dzakatorwa nemumwe munhu. Ndine fungidziro yekuti zvine chekuita nehuroyi,” vakadaro. Mupurisa wemumusha waNsindi, VaDube, vakati vakapotsa vafenda mushure mekunge vasangana nemashura aya apo vaienda kumba nomusi weChitatu wadarika.
“Ndakanzwa nezveshato idzi mushure mekunge muroora wangu anditaurira nezvadzo apo ndakange ndiri munzira kunoshanyira sahwira wangu. Pandakange ndave kudzokera kumba muzuva rakatevera ndichida kushandisa nzira yekudimbudzira ndipo pandakashamisika kuona shato 20 dzakange dzakafa. Vanhu vaive munharaunda vainge vauraya shato idzi vakashamisikawo.
Asi chakashamisa ndechekuti patakazoenda panzvimbo yainge yaitikira izvi shato dzainge dzauraiwa dzakashaikwa. Tinofungira kuti pane akadzitora nechinangwa chekudzishandisa mabasa ehuroyi,” vakadaro. Mumwe mugari wenzvimbo iyi, VaAelpo Ncube, avo vakaona shato idzi vakati zvine chekuita nemabasa akashata. – Sunday News.




