Ronaldo otsigira Bale

CRISTIANO Ronaldo akakurudzira vatsigiri veReal Madrid kuti vatsigire Gareth Bale uye vasiye tsika yekushoropodza chizvarwa chekuWales ichi. Bale akashoropodzwa zvikuru nekuedza kunwisa kwaakaita svondo radarika pane kupira bhora kuna Ronaldo uyo ainge ari ega mumutambo wavo muPrimera Division apo vakakunda Espanyol.

Kunyangwe hazvo akarakidza kugunun’una nazvo panguva yacho, Ronaldo anoti parizvino hapana daka pakati pake naBale ndokukurudzira vatsigiri veMadrid kuti vave nemwoyo murefu kumutambi uyo akambotambira Tottenham.

Achitaura nevatori venhau kumabiko eFIFA Ballon d’Or, uko akavhoterwa kuve ‘player of the year’ kechitatu, Ronaldo akati, “Vatsigiri veMadrid vanogara vakangofanana, vanogara vachingotsutsumwa, vanorakidza zvavanenge vachinzwa, havanyepi.

“Asi ndinofunga kuti nyaya iripo na‘Gaz’ hapana zviripo nekuti vanoziva kuti Gaz akakosha chaizvo kuchikwata chedu, mutambi wepamusoro. “Zvakaitika musi weMugovera svondo radarika zvakatodarika, dzimwe nguva ndinombokanganisawo zvinoitika mumutambo uyu. Ndinofunga kuti vanhu vachange vachimufarira uye vanofanirwa kunge vachimufarira”. – Sky Sports News

Related Posts

Shingai Dance Troupe hwapu mukombe weChibuku Neshamwari

Muchaneta Chimuka CHIKWATA cheShingai Dance Troupe chemudunhu reHarare, icho chakaratidzira hunyanzvi mumutambo wembakumba, ndicho chatora mukombe pamakwikwi eChibuku Neshamwari Traditional Dance National Final ayo aitirwa muHarare Gardens nomusi weMugovera wadarika.…

ZCC eridha hutu nemudzimai wemuridzi

Lovemore Kadzura   MUMWE eridha wechechi yeZion Christian Church (ZCC) kwaMakoni, kudunhu reManicaland anonzi akatiza nemudzimai wemunhu uye gure iri rakazofumuka mushure mekunge vaviri ava vambogara vese kwemwedzi miviri vari kumafura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×