Sherwood angangogadzwa pachigaro chinopisa

QUEENS Park Rangers iri kumhanya-mhanya kuita hurukuro dzekugadza Tim Sherwood pachigaro chinopisa chehurairidzi kuchikwata ichi svondo rino.

Sherwood ndiye ari pamusoro pevarairidzi vanogona kutsiva Harry Redknapp kuLoftus Road, apo hurukuro pakati pemapato maviri aya dziri kuenderera mberi.

Rangers ichasangana neSunderland svondo rino uye kana yapedza ichambozorora kwemazuva 12 apo ichatatsurana neHull.

Director of football wechikwata ichi, Les Ferdinand, ari kuda kuti murairidzi wavo awane nguva refu yekushanda nevatambi

vose vasati vatamba mutambo wavo wekurwira kusaburitswa muligi.

Sportsmail svondo radarika yakaburitsa nyaya yekuti Rangers yaive muhurukuro naSherwood kwenguva varefu uye yave

pedyo nekuwirirana nemuchinda uyu, uyo akamborairidza Tottenham.

Chikwata chekuWest London ichi chiri kuda kupa Sherwood kondirakiti ichange izere nehudobi pamwe nebhonasi rakakura kana akabatsira kuchiponesa kuti chirambe chiri muligi.

Asi zviri kuzivikanwa kuti hurukuro idzi dzave kusvika pakupera uye pane kuwirirana kuripo.

Mutambo wechikwata ichi wesvondo rino wakakosha chaizvo apo kugadzwa

kwemurairidzi wacho mutsva kuchatevera mutambo uyu wapera. – Daily MailOnline

 

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×