Sikhulile yakahwapura mukombe

Vatambi veSikhulile High vachifara vakabata mukombe wavo mushure mekuhwinha mumutambo weStella Tea Netball Finals svondo rapera kuWhite City Stadium, kuBulawayo.— Mufananidzo: Abel Ndooka
Vatambi veSikhulile High vachifara vakabata mukombe wavo mushure mekuhwinha mumutambo weStella Tea Netball Finals svondo rapera kuWhite City Stadium, kuBulawayo.— Mufananidzo: Abel Ndooka

CHIKORO cheSikhulile High chekuBulawayo ndicho chakahwina mumutambo weNational Association of School Heads (Nash) Stella Tea Netball Finals mushure mekukunda Pamushana High 19 -17 svondo rapera kuWhite City Stadium, kuBulawayo.Sikhulile yakapihwa menduru dzegoridhe pamwe nemari inosvika US$4 400 kozotiwo Pamushana ikawaniswa US$3 200.

Pamushana High yakapinda mumutambo uyu ichatarisirwa kuhwina sezvo yange yave nemakore mana ichikunda kakatevedzana asi rwendo rwuno zvakakona n’anga murapwa achida.

Sikhulile High yakarwa semvumba nekuti makore matatu adarika yange ichingokundwa nePamushana.

Murairidzi weSikhulile High, Karen Banda, anoti chikwata chavo change chave nemakore chakamirira mukombe uyu nekudaro gore rino chakagadzirira zvakasimba kuti chigouhwina.

Anoti kukunda Pamushana kwakange kusiri nyore.

“Mufaro watinawo wakanyanyisa, tange tave  nemakore akawanda tichiedza kuhwina mutambo uyu zvichiramba asi gore rino takashanda nesimba kugadzirisa ndokuhwina.

“Zvange zvisiri nyore nekuti Pamushana ishasha zvinozivikanwa nemunhu wose uye ukaona waikunda panenge pabatwa basa sebasa ipapo,” anodaro Banda.

Sikhulile ndiyo yakapedza iri pamusoro peboka rayo muPool D iri pamberi peMvurwi neMawabeni kozoti Pamushana yakahwinawo muPool A umo yakakunda Girls High neHande.

General manager weTanganda Tea Company inokotsvera mutambo uyu, Kwirirai Chigerwe, anokurudzira vatambi venetball kuti vatore mukana uyu kusimudzira matarenda avo.

“Uyu mukana uri kuuya kwamuri vanangu, shandai muvake ramangwana renyu, musarege uchikupfurai.

“Isu tinotsidza kuti ticharamba tichikotsvera mutambo uyu,” anodaro Chigerwe.

Mutambi weSikhulile High, Gladys Chavapo, ndiye akahwina mubairo weplayer of the tournament newebest midfielder.

Zvakadaro, sangano reNash rakashandisa mutambo uyu kusarudza chikwata chichazonokwikwidza kuCossasa games kuBotswana gore rino.

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *