BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari riri kuyambira zvikoro kuti zvirege kuitisa vana zvidzidzo zvepazororo kuitira kuti vawane nguva yekuzorora.
Mutevedzeri wegurukota rebazi iri, Professor Paul Mavima, vakati zvikoro zvose zvinofanira kutevedza karenda yedzidzo.
Zvikoro zvakavhara svondo rapera uye kune vamwe vadzidzisi vanonzi vanoda kutora mukana uyu kuitisa zvidzidzo panguva yezororo vachibhadharisa mari.
“Pari zvino tinoti vadzidzi ngavapihwe mukana wekuzorora mushure mekuva muzvikoro kwemwedzi mitatu izere,” vakadaro Prof Mavima.
Vanoti Hurumende iri kushushikana nekuda kwevamwe varairidzi vari kubvisisa miripo yepamusoro pazvidzidzo zvepazororo zvinova zvinogozhera vana vanobva kumhuri dzinoshaya.
Vamwe vadzidzisi kuBulawayo vanonzi vakatotaurira vabereki pakuvharwa kwezvikoro kuti vachange vachibhadharisa $10 pazvidzidzo zveGrade 7 apo kusekondari kuchidiwa $30 kusvika $50 zvichienderana nezvidzidzo zvinenge zvichiitwa.
Prof Mavima vanoti imhosva kuti zvikoro zvibhadharise mari yezvidzidzo zvepazororo.
“Iyi imhosva huru. Tinoyambira veruzhinji kuti vatiudze kana paine zvikoro zviri kuitisa zvidzidzo panguva yezororo uye vakasununguka kuudza vakuru vemahofisi edu ari mumatunhu ose (Provincial Education Directors) nekuti hatitenderi izvozvo,” vakadaro.
Mukuru anoona nezvedzidzo mudunhu reBulawayo, VaDan Moyo, vakati havasati vatambira mashoko erudzi urwu.
“Tichaita ongororo iyoyo,” vakadaro. Gore rapera, Hurumende yakarambidza zvidzo zvinoitwa panguva yezororo ichiti varairidzi vanotora mukana uyu kubira vabereki mari.
Zvakadai, mumwe mudzimai wekuChitungwiza anoti mwana wake akatopihwa tsamba yekuti abhadharirwe mari yezvidzidzo zvepazororo.
“Mashura chaiwo, ini mwana wangu uyo ari kuita Grade 1 akatouya nekatsamba kakanyorwa naticha vake vachiti vanoda $20 yema ‘extra lessons’. Hanzi tiri kuita izvi kuitira kuti tikwanise kupedza ‘syllabus’.
“Tinotoshaya kuti pamwedzi mitatu yose iyi vana vange vasingadzidze here kana kuti kungokara mari. Hatichaziva zvekuita nekuti kana tikaregedza kuendesa vana kuma ‘extra lessons’ kwacho vanofoiriswa,” vakadaro Mai Tawana Moyo vekuChitungwiza.
Ongororo yakaitwa neKwayedza inoratidza kuti vamwe vadzidzisi vave kuitisa vana zvidzidzo zvepazororo kudzimba dzavo.
“Mamwe maticha anototi anoda mari kana usina vanoti tipe shuga, mukaka kana mandiro chaiwo. Saka tinoona kuti makaro uye vakatojaira izvi vasingasungwe nekuti imari dzisina marisiti. Tanzwa nekurondwa kudzimba nematicha achida mari.
“Tinovimba kuti vamwe vakuru vezvikoro vari mukati mazvo nekuti vamwe vanotoitisa ma’extra lessons’ aya pazvikoro. Vana vanenge vasina kubhadhara mari vanonzi vaende kunodiridza gadheni rechikoro kana kugariswa panze,” vakadaro Mai Merry Mamutse vekuChitungwiza zvakare. — Chronicle/Munyori weKwayedza.



