vakarasa magemenzi varumwa nenyuchi…l Vakapona nekuzvikanda ‘mujorodhani’

Paddington Tobaiwa
Paddington Tobaiwa

KUNE mapositori ekwaNyamweda, kuMhondoro, vanoti vakapona nekunozvikanda mudziva “rejorodhani” riri murwizi mushure mekunge vaoneswa chitsvuku vachirumwa nenyuchi kwenguva ingangodarika awa rimwe chete.

Njodzi iyi yakaitika mubhuku raDzumbunu nguva pfupi yadarika apo mapositori akarumwa zvekunge vachauraiwa nenyuchi. Dzakarumawo zvipfuyo zvinosanganisira mombe, mbudzi nehuku.

Nyuchi idzi dzinonzi dzaibva muguru pedyo nerwizi rwaSvisva mumugwagwa unobva kuMhondoro uchienda kuMarirangwe.

Mapositori aya anonzi akarasa mabhegi aive nemagemenzi pamwe nezvimwe zvinhu izvo vakatadza kutora kwemazuva ane chitsama sezvo nyuchi idzi dzakange dzamuka chibhebhenenga.

Mumwe wevanhu vakarumwa nenyuchi idzi, Mai Slyvia Tobaiwa (64), vemumusha waDzumbunu, vanoti vakangadurwa kurumwa ndokuzonoponera kuchipatara cheBeatrice.

“Nyuchi idzi dzakanga dzava nemazuva dzichipenga. Ini ndaibva kunhamo kwaMuzondo nevamwe apo ndakasangana nemadzimai andinopinda nawo chechi yeJohane Masowe yeChishanu avo vaienda kumasowe kwaFarai, kudhibhi. Nyuchi idzi dzakatanga nekuruma vakomana vaidarika nemombe ndokuzouyawo kwatiri. Veduwe, takarumwa,” vanodaro Mai Tobaiwa.

“Vanhu vakarumwa kwaiti Mai Chikiya vekwaChibamu, Madzimai Bertha, Madzimai Diana neni. Dzakatimomotera tikaedza kutiza nguva dzava kuma5 dzezuva rodoka. Vamwe vedu vatatu takamhanyira mumvura kunze kwaMadzimai Bertha avo vakamhanyawo nerimwe divi ndokunopunzikira pasi, dzichivaruma bedzi.

“Ini ndaiti dzikandiruma, ndony’ura mumvura. Pandany’ura nyuchi idzi dzaisara dzakayangarara pamusoro pemvura,” vanodaro Madzimai Tobaiwa.

Vanoti vakazvikanda mumvura yaiva mugomba rakacherwa ivhu mumahombekombe erwizi Svisva.

Nyuchi idzi, vanodaro Mai Tobaiwa, dzakarwisana navo dakara kuma7 usiku apo vaingova mumvura umu.

“Nyaya yekurumwa kwedu nenyuchi yakasvika kumusha apo vamwe vakazouya vachimhanya nemipira yaibvira vamwe nehuswa.

“Mumwe mukomana anofamba nemotokari muno anonzi Chester mwana waConrad ndiye akazosvika nevamwe vanzwa nyaya iyi vakamonera magumbeze ekuti vasarumwe. Vakatinyurura mumvura ndokutitakura nemotokari tose tiri vana kuenda nesu kukiriniki yeMarirangwe uko takadarikidzwa kuchipatara cheBeatrice,” vanodaro Mai Tobaiwa.

Vanoti pavakasvikobaiwa majekiseni vakarutsa zvikuru dakara mangwana acho apo vakazoburitswa vachinzi vanobatsirwa kuHarare.

“Tose tiri vana takazoburitswa rechimangwana racho apo takaenda kuHarare uko tairapiswa. Ini ndinoti dzinongova nyuchi zvadzo, dzimwe nguva dzaiva nehuchi hwakawanda izvo zvakakonzera kuti dzigare panze.”

Murume wavo, VaLangton Tobaiwa (84), vanoti vakatozoziva nezvekurumwa kwemudzimai wavo vanhu ava vatova kuchipatara.

“Vamwe vangafungidzira kuti nyuchi idzi dzine chekuita nehuroyi, asi ini handifunge kudaro. Inyuchi dzaingova nehasha nekuti dzaiva nehuchi kana kuti kune vanhu vainge vadzidenha,” vanodaro Tobaiwa.

Nyuchi idzi dzinonzi dzichiripo zvisinei kuti pane vakadzimora vakatora huchi.

Mugwagwa une nyuchi uyu unoshandiswa nevana vanoenda kuzvikoro zvinoti Shirichena Primary, Muchakata Secondary neMarirangwe Primary, avo vasisadarike nepo vachitya kurumwa.

Mumwewo akarumwa nenyuchi idzi, Paddington Tobaiwa (23), anova mwana waMai Tobaiwa, anoti akatozonoponera mumadenhe emiti dzichimuruma apo akanga aenda usiku achida kuedza kudzimora.

“Nyuchi idzi dzaingoruma vanhu zuva nezuva, takaedza kunodzimora usiku, asi dzakandiruma. Rechimangwana racho ndipo padzakazoruma vanhu vakawanda, kusanganisa amai vangu,” anodaro Paddington.

VaEnock Mashonganyika, vane musha uri pedyo nepane nyuchi idzi vanonzi ndivo vaibatsira nekunotora zvinhu zvainge zvasiiwa nevakarumwa, vamwe vakarasa magemenzi.

Sabhuku Shirichena, VaWilson Shirichena (67), vanoti nyuchi dzinogona kushandiswa mumabasa ekuroya.

“Mushakabvu Dr Kamuzu Banda vekuMalawi (vaimbove mutungamiriri wenyika iyi) vanonzi vaishandisa nyuchi pakurwisa vavengi uye mumapurazi mandaishandira vanhu vechirudzi vaiti vakanetsana vaigona kutumirana nyuchi senzira yekuedzana masimba. Saka nyuchi dzehuroyi dziriko, handizive kuti idzi dzakaruma vanhu kuno dzakamira sei,” vanodaro.

 

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×