Siyana naye, zidhara: Sahwira

Janet Chikotosa
MURUME mukuru akachema-chema mudare achiti akapunzirwa imba yake nasahwira wemukadzi wake uyo akamufurira achiti asiyane naye nekuti ichembere inoda kubatirira mwana mudiki.

Fungai Tahwedza akamhan’arira Mavis Mandevhana nemwanasikana wake kuHarare Civil Court achiti vari kumushaisa rugare.

Akaudza mutongi Marehwanazvo Gofa kuti: “Mandevhana nemwanasikana wake vanondituka nemashoko anorwadza, vachinditi ndakaroora mwana mudiki, ndiri chembere uye vanoda kumutsvagira chikomba chinoenderana naye. Vanonditi, ‘Hauone kuti wakabatirira mwana here, wadii kutsvaga wezera rako?’

“Mandevhana anondiudza zvekuroora mwana mudiki ini ndasvitsa makore makumi nemaviri ndichigara nemukadzi uyu? Iye kana akaona kuti ndiri chembere aitsvagei pandiri? Vanotora mukadzi wangu vachienda naye kumba kwavo ini ndisipo kunova ndiko kwavanozomunyengera kuti aite zvikomba. Mukadzi wangu kuti abve pamba pataigara tese ndiye Mandevhana nemwanasikana wake vakakonzeresa.”

Akati haana kurambana nemukadzi wake asi kuti akabva pamba mushure mekunge anyengedzwa naMandevhana nemwanasikana wake.

“Makazvionawo kupi kuti amai nemwana vanobatsirana kupwanya musha wemumwe munhu? Nditori nemuzukuru wangu uyo angapupura kuti vaviri ava vanondishungurudza. Chandinongoda kuti amai nemwana ava varege kundituka uye kupindira munyaya dzemhuri yangu,” akadaro Tahwedza.

Mandevhana akapikisana naTahwedza achiti ainyepa.

“Zvese zvaari kutaura manyepo nekuti chatomuunza kuno kudare inyaya yemari yangu yaakakwereta yaari kuramba kudzorera saka amhanya kudare kuda kuvhara mhosva dzake. Mwanasikana wandiri kupomherwa mhosva naye ndiye akamboroja pamba pemurume uyu kwemakore matanhatu, ndipo paakashamwaridzana nemudzimai wemurume uyu.

“Pakushamwaridzana uku ndipo pandakamukweretesa mari yangu semurume wasahwira. Nanhasi haasati andipa mari iyoyo. Vakatorambana nemudzimai wake asi iye anongoramba achiti mukadzi wake. Zvekuti tinomutuka hazvisizvo, iye ndiye anouya kumba kwangu kana mukadzi wake ariko achipopota. Baba ava havabvume kurambwa. Vanoda kungoramba vakabatirira pamwana mudiki,” akadaro Mandevhana.

Mutongi Gofa akapa Tahwedza gwaro redziviriro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×