Yambuka mugwagwa nemazvo: TSCZ

KANZURU inoona nezvekudzivirirwa kwenjodzi mumigwagwa, yeTraffic Safety Council of Zimbabwe (TSCZ) inoti zvakakosha kuti vatyairi pamwe nevana vechikoro vatevedzera mitemo yekufamba mumigwagwa nedonzvo rekudzivirira tsaona.

VaProctor Utete, avo vanove director operations, research and marketing kukanzuru iyi, vanoti kune tsaona dzakawanda dzinoitika idzo dzinokwanisika kudzivirirwa kana mitemo yekufamba mumigwagwa ikatevedzwa.

“Chekutanga, kana vana vachienda kuzvikoro, vanofanira kuziva kuti mumigwagwa mune njodzi huru nokudaro ngavatevedzere mirawu yemumigwagwa sekuyambuka nepakakodzera patinoti muchiRungu zebra crossing.

“Hazvirevi kuti pazebra crossing vana havakwanisi kutsikwa, nokudaro tinoti vari panzvimbo iyoyo vanofanira kutanga vatarisa kurudyi kanokwana kaviri vozotarisa kuruboshwe, votarisa zvakare kurudyi kana kusina motokari vochiyambuka.

“Kuyambuka mugwagwa hakuitwe munhu achimhanya, kwete, nokuti unogona kungoyerekana wave kuona motokari ichiuya yokundikana kumira yokutsika. Zvakare, nzeve dzinofanira kushandiswa kuti unzwe kuti hakuna ruzha rweimwe motokari inenge ichiuya usati wayambuka mugwagwa. Dzimwe dzinogona kuridza huta,” vanodaro.

Vanoti chikozero chekuti vanhu vange vachitanga kutarisa kurudyi ndechekuti ndiko kunowanza kubva nemotokari idzo unenge wakatarisana nadzo uye ndiko kune divi remugwagwa raunotanga kupinda kana uchifamba.

“Kuyambuka mugwagwa uchimhanya kwakaipira kuti unogona kupunzika. Kana uchinge wadonhedza zvinhu mumugwagwa, zvisiye utange wayambuka wotarisa uri mhiri kuti hakuna motokari dziri kuuya here usati wanozvinhonga. Kumhanyira kunonhonga zvinhu mumugwagwa kune njodzi nekuti motokari inogona kuuya ichimhanya yokutsika,” vanodaro VaUtete.

Vanokurudzira vana vechikoro kuti vafambe vari zvikwata uye kuti vachibatane mawoko pakuyambuka mugwagwa.

“Vabereki vanofanira kuperekedza vana vavo vachivayambutsa migwagwa apo vanoenda kuzvikoro kana kuti kutumira vamwe vanenge vati kurei sevari muGrade 7 kuti vavaperekedza panzvimbo yekuti vafambe voga, zvikuru vana vari Grade 5 kudzika kuZero Grade.”

VaUtete vanoti kune dzimwe nzvimbo dzisina mitsetse michena yekuyambuka nayo (zebra crossing) nokudaro vanhu vanofanira kushandisa pamarobhotsi.

“Marobhotsi akakosha zvikuru uye anofanira kutevedzwa kana ari kushanda sekuti kana richiti green rinoreva kuti vanhu vanokwanisa kuyambuka uye kana riri dzvuku kana kuti amber rinoreva kuti mira. Vana vechikoro vanofanira kutarisa robhoti zvese nemotokari dzacho vasati vadarika. Dzimwe motokari dzinenge dzisina mabhureki kana kuti vatyairi vacho vasina hanya,” vanodaro.

VaUtete vanoyambira zvakare vana vechikoro kuti vatambire munzvimbo dzakakodzera kwete mumigwagwa. “KuMasvingo kune mwana akatsikwa apo vaitambira mumugwagwa, vachimhanya vachidarika vachidzoka zvakare kumashure. Saka mumwe mutyairi ainge achimhanyisa motokari haana kuziva kuti mwana akange ayambuka mugwagwa achadzoka zvakare achibva amutsika ndokufira pakarepo. Zvinorwadza kuti vana vafe nekuda kwezvinhu zvinogona kudzivirirwa.

“Nzvimbo dzakanaka kuti vana vatambire dzinosanganisira kunhandare dzekuchikoro kana mumisha mavanogara kwete mumigwagwa. Tinoona kazhinji vana vachirava mabhuku kana kurara zvavo vari mumugwagwa,” vanodaro.

VaUtete vanoti vana vanofanira kudzidza kufambira nechekurudyi kwemigwagwa nekuti vanenge vachiona motokari dzinenge dziri kumberi kwavo. VaUtete vakayambirawo vana vechikoro pamusoro pemotokari dzinogona kufamba neruvhesi pane ipi zvayo nguva vachiti imhosva kuti dzinge dzichiita izvi mumigwagwa inonanga rutivi rwumwe chete (one-way).

Zvakare vatyairi vanofanira kucherechedza zvikwangwari zvinenge zvichiyambira kuti kune vadzidzi vanoyambuka (Children Crossing Ahead).

 

. Vaverengi makasununguka kutumira zvavangade kuziva padandemutande rinoti [email protected]

 

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×