Zimpapers Entertainment Hub
VANHU vanofarira musambo wechitendero vachave nenguva inofadza pazororo rino sezvo chikwata cheSpirit Praise Worship Team chiri kugadzirira kutsikisa dambarefu rinonzi “Receive Our Praise” ipapo ipapo panenge paine vatsigiri (live recording) nemusi wa20 Zvita muHarare.
Dambarefu iri, iro rine nziyo pfumbamwe, rinotarisirwa kuve rizere nenziyo dzinokomborera, idzo dzinobatsira vatendi kuti vazvinzvere maringe neupenyu hwavo pamwe chete nekuvandudzika pamweya.
Mukuru wechikwata ichi, Learnmore Tavengwa, anoti chirongwa ichi chiri kuuya mushure memwedzi yakawanda yeminamato, kuronga zvakadzama uye kushanda pamwe chete kune pundutso.
“Tine mufaro mukuru kutsikisa dambarefu rechina pakarepo pakarepo. Izvi zviri kuuya mushure mekushanda nesimba, kunamata uye gadziriro yakadzama yepamweya,” anodaro Tavengwa.
Anoti dambarefu iri vari kuripa kuvatsigiri vavo sechipo cheKisimusi uye vakagadzirira zvizere kuparurwa kwaro.
“Chikwata chagadzirira. Tine mufaro mukuru kuparura dambarefu iri zvine musiyano. Tichange tiine vadzidzisi vedu, Baba naAmai Charamba,” anodaro.
Chikwata cheSpirit Praise chinozivikanwa nekutsikisa madambarefu ipapo ipapo, vatsigiri varipo, pane kuenda kumastudio.
Nzira iyi inopa mukana wokuti mhanzi inotsikiswa inenge iine musiyano mukuru neiyo inotsikiswa kuburikidza nemastudio.
Chikwata ichi chinozivikanwa nekushandisa nzira iyi mukutsikisa mhanzi kubvira pachakaburitsa dambarefu rinonzi “Pandatsika Ndatora”, iro rakaita mukurumbira apo chaitsigirwa naSharon Cherayi.
Kusanganisa nziyo dzakarerekera kune dzechinyakare nedzechitendero kwaita kuti chikwata ichi chive nemusambo wacho wakasanangurika muZimbabwe, izvo zviri kuita kuti chikwezve vatsigiri vakazvipira.
Tavengwa anoti anozviziva kuti kune vamwe vanhu vanotaura zvakawanda pamusoro pechikwata chavo sokuti sei chisingaiti mashoo ane mukurumbira uye kukwikwidza nenziyo dzavo panhepfenyuro nekumwe kwakasiyana-siyana, asi anoti Spirit Praise ine muonero wayo yoga webudiriro, uyo wakasiyana newezvimwe zvikwata zvemimhanzi.
“Zvimwe zvikwata zvinodzingirirana panyaya yezvinzvimbo mukukwikwidzana, izvo zvinove zvakanaka, asi Spirit Praise ine chinangwa chekuzadzikisa basa raMwari,” anodaro.
“Chatinoda haizi mbiri, asi kushandura upenyu hwevanhu kuburikidza nemimhanzi. Tinovavarira kusvika kune avo Mwari akatidanira.”
Nhasi uno chikwata cheSpirit Praise Worship Team chine vaimbi 40 nevamwe vanhu 30 vakazvipira kuchinamatira nekuita mabasa akasiyana-siyana.
Dambarefu regore rino, “Receive Our Praise”, inzira yekuenderera mberi nerumbidzo huru kuna Mwari.
“Tinoda kuti vanhu vanzwe huvepo hwaMwari kuburikidza nemimhanzi yedu, kwete nziyo dzinongofadza chete,” anodaro Tavengwa.
“Dambarefu iri rine chinangwa chekuyeuchidza vatendi kuti sei tichirumbidza uye kuti kurumbidza kunoporesa nekusandura upenyu hwedu sei.”



