src yodya marasha. . . tinoda kuona mabhuku emari emasangano emitambo

Abel Ndooka
SANGANO reSports and Recreation Commission royambira masangano emitambo akasiyana kuti anofanirwa kuvapa mabhuku avo kuitira kuti  vaongorore mashandisirwo emari dzavari kupihwa nevakotsveri.

Muhurukuro neKwayedza, mukushi wemashoko weSRC – Tirivashe Nheveyembwa – anoti SRC yakazivisa masangano emitambo anosanganisira Zifa, Tennis Zimbabwe neHockey Association of Zimbabwe kuti kana akasaburitsa mabhuku avo emari uye vachirakidza kuti dzakashandiswa sei panosvika musi wa10 Kubvumbi vanenge vave kusatenderwa kushanda semasangano.

“Tiri kuda kuona mitambo ichibudirira, ichisimukira nekuenda kumberi asi kutanga kwacho kuona mashandiro ange achiita masangano akasiyana nguva yadarika uye tinotangira pakuona mabhuku avo.

“Saka masangano ese emitambo takavazivisa kuti vaunze mabhuku avo, tinoda kuona mari dzange dzichiuya kwavari uye votirakidza kuti vange vachishandisa sei mari idzi.

“Kana musi wa10 Kubvumbi ukasvika vasina kuunza mabhuku avo, masangano aya anenge ave kusatenderwa kuenderera mberi achishanda munyika muno,” anodaro Nheweyembwa.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×