Studio yeSungura yemahara yakavhurwa

Abel Ndooka

MUIMBI weSungura Jonathan Siastumuzira — uyo vazhinji vanoziva saMadzibaba Gina kana kuti Mr Chinhoyi — akavhura studio kuChinhoyi ichange ichitsikisa mhanzi yevamwe vaimbi vemusambo uyu pachena.

Mr Chinhoyi, uyo anozikanwa zvikuru achishanda nevamwe vaimbi nekusimudzira vanhu vanotambura, anoti ane shuviro yekuona vamwe vake vachisimukira ndosaka akafunga zvekuvhura studio inonzi Stumu Records.

Studio iyi ichange ichibika misambo yemhanzi yakasiyana inosanganisira Sungura, Jazz neZim-dancehall.

“Mhanzi ndinoziva kuti inorwadza zvikuru zvekuti kana usina puromota iwe muimbi zvinogona kukuremera kutsikisa mhanzi yako. Saka ini ndakati regai ndivhure studio yangu iyi Stumu Records ndigobatsirawo vamwe vaimbi vatsikise mhanzi yavo mahara.

“Handisi kuzviita kuti ndipihwe mbiri, kwete, asi nemwoyo unoda kuti vamwe vaimbi vasimukire nekuti vanotoraramiswa nemagitare,” anodaro Mr Chinhoyi.

Muimbi uyu anotungamira chikwata cheStumu Boys uye anozivikanwa nenziyo dzinosanganisira KwaJowa, Handidi Kutambura naMbuya Vheneka.

“Vaimbi tinofanirwa kubatana uye kushanda pamwechete nekuti ndizvo zvinoita kuti tisimukire tese. Takaita humbimbindoga hapana kwatinombosvika. Ini ndakasununguka kushanda nevamwe vese uye handina wandinokwikwidzana naye, vese ndivanamukoma wangu nehanzvadzi saka ndichashanda navo,” anodaro.

Mr Chinhoyi anoti parizvino ari mushishi kubika dambarefu rake rechipiri rinonzi Ndizvo Zvazvave uye ari kutarisira kushanda nevamwe vanosanganisira Andy Muridzo naProgress Chipfumo.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *