Sugar tax yosimudzira kugadzirwa kwemishonga yekurapa

Munyori weKwayedza

ZIMBABWE iri kutora matanho akasimba akanangana nekuvandudza indasitiri yezvekugadzirwa kwemishonga yekurapa, kusanganisira kuvambwa kwehomwe yemari inoita kuti mishonga iyi nezvimwe zviwanikwe nemutengo wakaringana.

Rimwe donzvo guru nderekuderedza mari inoshandiswa pakutenga mishonga yekurapa kunze.

Senzira yekusimbaradza kuwanikwa kwemishonga yekurapa munyika, mari yemutero weshuga (sugar tax) ichashandiswa zvekare mukugadzirwa kwemishonga yakakosha.

Matanho aya akaziviswa negurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Dr Jenfan Muswere, apo vaitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri chino mushure mekupera kwemusangano wedare reCabinet.

Vachitaura pamusoro pechirongwa cheZimbabwe Industrial Reconstruction and Growth Plan (2024–2025), Dr Muswere vanoti kutsigirwa kweindasitiri inogadzira mishonga yekurapa kwakakosha kuitira kuti iwanikwe nemutengo wakakodzera.

“Kuitira kuti kukura kwePharmaceutical Value Chain kuvepo, Hurumende yeZimbabwe icharamba ichitsigira   NatPharm uye nekuona kuti mishonga yemuno iri kutorwa nemapoka (ezveutano) anobatsira veruzhinji pamwe neakazvimirira,” vanodaro.

Dr Muswere vanoti pachavambwawo homwe yePharmaceutical Revolving Fund yekutsigira indasitiri inogadzira mishonga yekurapa.

Vanoti mari yemutero weshuga ichashandiswa zvekare mukugadzirwa kwemishonga yakakosha.

Hurumende gore rapera yakawana mari inodarika US$30 miriyoni kubva pamutero weshuga zvichitevera kudzikwa kwemutemo weStatutory Instrument 16 of 2024, the Customs and Excise (Tariff) (Amendment) Notice, 2024 (No 5) on February 9, 2024.

Mari iri kubva pamutero iri kushandiswawo kutenga michina yekuvheneka chirwere chegomarara muzvipatara zveHurumende.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *