Abel Ndooka
SANGANO reZimbabwe Cricket rakatumira chikwata cheZimbabwe Women’s High Perfomance Centre kuRwanda kunokwikwidza kumutambo weKwibuka Women’s T20 Tournament.
Chine vatambi vane mukurumbira vave nenguva vachitambira chikwata chevakuru nevari kusimukira mumutambo uyu.
Chikwata cheZimbabwe Women’s HPC, icho chiri kurairidzwa naStephen Mangongo, chiri kutatsurana nezvikwata zvisere zvekune dzimwe nyika dzinoti Brazil, Cameroon, Malawi, Nigeria, Rwanda, Sierra Leone, Tanzania neUganda.
Vatambi vechidiki vari kusimukira vakasarudzwa kuti vange vari muchikwata ichi vanosanganisira Kelly Ndiraya, Natasha Mthomba, Lindokuhle Mabhera naVimbai Mutingwindu.
Kuchiti vane mukurumbira vanosanganisirawo Nomvelo Sibanda, Christabel Chatonzwa, Loreen Tshuma, Nyasha Gwanzura, Chiedza Dhururu naLoryn Phiri varimo muchikwata ichi.
ZC iri kutora mutambo uyu senzira yekuita gadziriro dzechikwata chemaLady Chevrons apo chichazotamba mutambo weInternational Cricket Council (ICC) Women’s Championships uyo uchaitwa gore rino.
Gore radarika, chikwata cheZimbabwe A Women chakapedza chiri pechipiri kumutambo uyu.
Mutambo weKwibuka Women’s T20 Tournament wakatanga mugore ra2014 uye unotambwa gore negore.




