Sulu obhebhesa mwenje waChopper, makore 20 ashaika

Trust Khosa

SULUMAN Chimbetu anogona kunge ari kufadzwa nebudiriro yaave nayo munyaya dzemimhanzi asi anoramba achinzwa kuremerwa zvakanyanya nekufa kwababa vake, makore 20 vashaika.

Simon “Chopper” Chimbetu akafa nemusi wa14 Nyamavhuvhu muna2005, ave nemakore 49 okuberekwa.

Akapihwa chiremerera chegamba redunhu (provincial hero) izvo zvakaona achivigwa pamarinda eChinhoyi Heroes Acre, kuMashonaland West.

Kunyangwe zvazvo pakutanga paive nekutyirwa kuti mbiri yake inogona kupera zvichitevera kufa kwake, yakasimba zvakanyanya nekuda kwekuzvipira uye kushanda nesimba kwemwanakomana wake, Suluman.

Muimbi uyu ari kuita mashoo ayo ari kuzara nevatsigiri nguva nenguva,

Sulu nemusi weChishanu chadarika akange ari paThe Yard Restaurant, iyo yaimbonzi Bar Rouge, iri pakati peLong Cheng Plaza muHarare.

Akataridza hunyanzvi nehudobidobi hwake munyaya dzemimhanzi.

Vatsigiri vakange varipo vaiimba pamwechete naye uye dzimwe nguva aiita semunhu abatwa nemweya.

Aitaridzika sekuti ari munyika yake oga uye kana zvikanzi mweya waChopper waive wamubata, hazvikwanise kurambika.

“Yave nguva yakareba ndisina baba vangu uye  zvinotaridza sekuti ndizuro apo vakabva pasi rino, asi tinoramba tichienda kumberi.

“Ndinongozvifarira kana vatsigiri vachiramba vachiuya kumashoo angu.

“Kwese kwandinoeda, ndinowana rumbidzo kubva kuvanhu vaive vakatendeka kuna baba vangu uye iye zvino vari kutaridza rutsigiro rwavo nekuuya kwatinenge tichiridza.

“Kwandiri, uyu mutoro mukuru wandinotakura pamafudzi angu nekuti handingarege mbiri iyi kuti ingofa njee,” anodaro Sulu.

Anoenderera mberi achiti: “Handikwanise kuti ndibirire vanhu nekuti siteji kwandiri inoreva zvakawanda. Vanhu vanobhadhara mari kuti vapinde mumashoo aya nekudaro hatikwanise kuti tisaite zvavanotarisira. Nguva dzose ndinoita nemwoyo wose, uye chishuwo changu kuvafadza. Muimbi wose wamunoona kunze uko, anoda rutsigirwo rwakadai kuti abudirire.”

Sulu akatsidza kuti acharamba achishanda nesimba mumashoo ake.

“Pasiteji panoda kushanda nesimba, kufunga zviri mberi uye kutaurirana zvakanaka nevatsigiri.

“Unogona kunge uchiita basa rako nemazvo asi kana usingakwanise kutaura zvakanaka, wakangofanana nemunhu asati atanga kuita  zvekuimba.

“Ndinogara ndichiita nepandinokwanisa uye ndichizama nepose kuti ndifambirane nevatsigiri pane zvandinenge ndichiita, nekuti  tinofanirwa kunge tiri pamwechete.”

Sezvo nguva yezororo reKirisimasi yaswedera, Sulu anotsinhira kuti vakagadzirira zvizere.

“Tine mashoo ane chitsama atakaronga kuita uye tagadzirira kupa vatsigiri mutakunanzva,” anodaro Sulu.

Anokurudzira vatsigiri kuti vapemberere nenzira inotaridza kuzvibata panguva yezororo iri.

“Vatsigiri vanogona kufarisa. Mubasa redu, tinovimba nevatsigiri vanouya kumashoo edu nekudaro hatidi kuti tirasikirwe navo. Vanofanirwa kutora mwaka umwe neumwe semauyiro awo uye votorawo zuva rimwe nerimwe sezvavanongoita nguva dzose,” anodaro.

Sulu anokurudzira zvakare vanhu kuti vasiyane nekatsika kekutyaira motokari vakadhakwa.

“Ndinogaronzwa vamwe vanhu vachizvirova matundundu kuti vanotyaira zvakanaka kana vanwa doro, izvo zvakaipa zvachose.”

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×