Sungai dzisimbe: Katsande

WILLARD KATSANDE
WILLARD KATSANDE

KAPUTENI wechikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors, Willard Katsande, akakurudzira vatambi vese vachanokwikwidza kumutambo weAfrican Nations Championships (CHAN) kuRwanda kuti vasunge dzisimbe kuitira kuti vagosimudza mureza weZimbabwe kumakwikwi aya.

Mutambo weCHAN uchatanga musi wa16 Ndira 2016 uye unotarisirwa kuzopera musi wa7 Kukadzi.

Zimbabwe yakaiswa muboka remuGroup D rine zvimwe zvikwata zvinoti Mali, Uganda neZambia izvo zvose zvinotamba nhabvu inonwisa mvura zvikuru.

Vatambi vanosarudzwa kuenda kunomirira nyika kuCHAN ndeavo vanotambira nhabvu yavo muPremier Soccer League chete nekudaro vanotambira kunze kwenyika havashevedzwi kumutambo uyu.

Muhurukuro naKatsande, uyo anotambira Kaizer Chiefs yekuSouth Africa, akati maWarriors anofanirwa kutorwa semvumba kuti anokunda kumakwishu aya.

“Vakomana vari kufanirwa kubata basa guru kuCHAN, vari kufanirwa kusimudza mureza wenyika yese pamwe nekufadza mutungamiri mutsva weZifa, Dr Phillip Chiyangwa.

“Vanofanirwa kuhwina mutambo uyu uye mukana uripo wekuti vahwine vodarika zvavakaita 2014 apo vakasvika kusemi-fainari,” akadaro Katsande.

Kazhinji mitambo mikuru yakaita seCHAN, AFCON neCOSAFA yakakosha chaizvo kuvatambi sezvo panguva iyi zvikwata zvekunze zvinotumira nhengo dzazvo kuzoongorora vatambi vakasiyana vazvinenge zvichida kuzotenga. Mutambo weCHAN wekupedzisira wakatambirwa kuSouth Africa muna 2014 apo vatambi vane chitsama vakaita saPartson Jaure, George Chigova, Simba Sithole, Tendai Ndoro, Kudakwashe Mahachi, Milton Ncube naEric Chipeta vakatengwa nezvikwata zvekuSouth Africa mushure mekunge vadadisa kumutambo uyu.

“Uyu ndiwo mukana kune vatambi vazhinji vari kusimukira mumutambo uyu vakashevedzwa naCallisto Pasuwa (murairidzi wemaWarriors) kuti vagoonekwa nezvikwata zvekunze.

“Zvikwata zvizhinji zvichange zvakavhura maziso azvo zvichiongorora vatambi vazvinoda kuzotenga saka vatambi vese vakashevedzwa naPasuwa vanofanirwa kutokwinya votamba nhabvu yepamusoro-soro,” akadaro Katsande.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×